Imwe nhengo yePolitiburo yeZanu-PF inoti mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vari kufamba pamupata weJericho murwendo rwavo rwekuyedza kubatanidza zvikwata zviri kurwisa muZanu-PF.
VaCephas m\Msipa, avo vakambova gavhuna weMidlands, vanoti bumbiro reZanu-PF harina kujeka kuti ndiyani chaiye anotora chigaro chemutungamiri wenyika kana mutungamiri wenyika asiya chigaro chake.
VaMsipa, avo vaimbove munyori mukuru we Zapu, vanoti izvi ndizvo zviri kupa kuti paite kunetsana kwakanyanya mubato.
Kunyange hazvo VaMsipa vachiti bumbiro reZanu-PF harina kujeka, Article 9 Section 43 (1) yebato iri inoti mutevedzeri wemutungamiri webato ndiye ane masimba ekuita basa rose remutungamiri webato kana mutungamiri webato asipo.
Zvisineyi hazvo, mashoko aVaMsipa anoenderanawo neongororo yakaitwa nemasangano maviri anoti re Research and Advocacy Unit neZimbabwe Human Rights NGO Forum.
Ongororo iyi inoratidza kuti bumbiro reZanu-PF nerenyika haana kujeka pari zvino kuti chii chinoitika kana VaMugabe vakayerekana vasiya basa.
VaMsipa vanoti vamwe mubato vakambovakumbira kuti vataure naVaMugabe kuti vadome munhu asi VaMugabe vakati zviri kuvanhu kwete ivo kusarudza mutungamiri wavanoda.
Kunetsana muZanu-PF kunonzi kuri pakati pechikwata chinonzi chiri kutungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, nechinonzi chiri kutungamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa. Asi vaviri ava vanoramba kuti vane zvikwata zvavanotungamira.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaCephas Msipa