Dare reEuropean Court of Justice neChina rapa mutongo wekuti zvirango zvakatemerwa vaiva mutevedzeri wegurukota rezvehupfumi uye vari muzvinabhizimisi, VaAguy Georgias, muna 2007, zvainge zviri pamutemo.
Mushure mekutemerwa zvirango, VaGeorgias, avo vanova muridzi wekambani ye Trinity Engineering, uye vaivewo seneta we Zanu-PF muhurumende yemubatanidzwa yakapera gore rapera, vakarambidzwa kupinda muBritain ndokubva vambochengetedzwa panhandare yendege vasati vadzoserwa kuZimbabwe.
Nyaya yaVaGeorgias haisi kutarisira kutambirwa zvakanaka nehurumende iyo yainge yaendesawo nyaya yekusatambira zvirango kudare rimwe chetero riri muLuxemborg ichiti zvirango zvainge zvichityora kodzero dzevakuru vehurumende yeZimbabwe.
VaGeorgias vakazobviswa pazvirango muna 2011. Asi vainge vati zvirango izvi zvaityora kodzero dzavo uye zvainge zvopa kuti varware nekufunga. Vaidawo kuripwa mamiriyoni matanhatu emapaunzi vachiti zvirango izvi zvakaita kuti varasikirwe nemari yakawanda. Asi dare reEU rinoti zvirango izvi zvainge zvakakodzera.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaGeorgias, kanawo kugweta ravo remu Britain, VaHugh Mercer.
Asi vamwe vakuru muhofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende vasina kuda kudomwa nemazita vanoti vane chivimbo chekuti vachabudirira munyaya yavo iri kutarisirwa kupihwa mutongo mwedzi uno.
Gweta rinoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaJeremiah Bamu, vanoti havana kushamiswa nemutongo uyu.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJeremiah Bamu