Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato riri kutonga reZanu-PF rave kukakanganisa mashandiro ebato ravo nenyaya yekusaripa mari sezvinodiwa nebumbiro remutemo pasi pemutemo wePolitical Finance Act.
Pasi pemutemo uyu bato rine zvikamu zvishanu kubva muzana rinopihwa mari nehurumende. Asi kubva gore rapera bato reMDC-T rinoti harina kupihwa mari sezvo hurumende iri kuti haina mari.
MDC-T iri kuita kongiresi yayo mwedzi unouya kwemazuva matatu kutanga musi wa 30 Gumiguru kuCity Sports Centre. Asi mari iri kunetsa kuwana zvekuti bato iri pari zvino rave kungoti richakoshesa kutakura vanhu uye pekurara asi zvekudya zvichiri kunetsa.
Asi kongiresi isati yaitwa mubato reMDC-T maita kunetsana kwakanyanya panyaya yekuvandudzwa kwebumbiro remitemo.
Vamwe vakuru vebato vari kuyambira kuti bato rinogona kupatsukazve nepakati mushure mekunge kunetsana kwaenderera mberi nevanoti vanoda kupa mutungamiri webato masimba akawanda nevari kuti izvi hazvitarisirwe muhutongo hwejekerere.
VaTsvangirai vanoti vane nhoroondo yekurwira hutongi hwejekerere nekudaro handi chokwadi kuti vari kuda masimba.
Your browser doesn’t support HTML5
Hukuro naVaMorgan Tsvangirai