Nhengo dzeTransform Zimbabwe Dzochengetedzwa neMapaurisa muGweru

  • Blessing Zulu

Zimbabwe Republic Police

Nhengo dzebato rinopikisa reTransform Zimbabwe dzinosvika gumi neshanu dzachengetedzwa nemapurisa neMuvhuro dzichipomerwa mhosva yekuratidzira dzisina mvumo.

Nhengo idzi dzainge dzaenda kudare ramajasitiriti muGweru kunoona mutungamiri webato iri, VaJacob Ngarivhume, avo vakasungwa neMugovera asi vakazomiswa pamberi pedare neMuvhuro.

VaNgarivhume vakasungwa vachinzi vainge vaita musangano vasina mvumo yemapurisa. Vachuchusi vemuGweru vange vati vaburitswe muhusungwa mapurisa azovadane achishandisa masamanisi.

Asi vasungwa ava varamba vari muhusungwa sezvo zvanzi mapurisa emuHarare ari kuda kuvabvunzurudza zvakare nezvemumwe musangano wavanonzi vakaita muHarare.

Izvi ndizvo zvazopa nhengo dzebato iri kuti dziratidzire.

Sachigaro weTransform Zimbabwe mudunhu reMidlands, VaRabson Shirichena, vashora mapurisa nekuramba vachishandisa mitemo yakaita sePOSA neAIPPA yavanoti inodzvinyirira vanhu.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dziboti mitemo iyi inofanirwa kuvandudzwa sezvo ichityora bumbiro idzva remitemo yenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRabson Shirichena