VaBiti Vanoti VaMugabe Vakundikana kuGadzirisa Nyaya yeHupfumi

  • Blessing Zulu

Finance Minister Tendai Biti

Mutungamiri wechikwata chiri kuzvidaidza kuti MDC Renewal Team, VaTendai Biti, vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapererwa nemazano panyaya yekugadzirisa hupfumi hwenyika.

VaBiti vanoti zvave kuda kuti Zimbabwe itevedzere gwara rakatorwa nenyika Greece apo yakapinda mudambudziko guru rezvehupfumi.

Greece yange yave nemakore matanhatu hupfumi hwayo huri kumawere uye vanhu vakawanda vachirasikirwa nemabasa.

Asi mushure mekudaidza nyanzvi munyaya dzezvehupfumi kutanga gore rino zvinhu muGreece zvave nani.

VaBiti vaimbova gurukota rezvehupfumi muhurumende yemubatanidzwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTendai Biti