Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vari kukurudzira kuti munyika muitwe hurukuro dzekuyedza kugadzirisa nyaya yehupfumi nezvematongerwo enyika izvo zvisina kumira zvakanaka munyika.
Vachitaura neStudio7 neMuvhuru, VaTsvangirai vati rwendo rwuno vanoda kuti nhaurirano idzi dzive chete dzevana veZimbabwe pasina vavakidzani kana vamwe vekunze vanopindira.
VaTsvangirai vati vana veZimbabwe vanofanirwa kugara pasi vega pasina veSADC, African Union neUnited Nations vanenge vachipindira votaurirana chokwadi chinofanirwa kuitwa.
VaTsvangirai, avo vakanga vari muhurumende yemubatanidzwa neZanu PF kwemakore mashanu vanoti zviri pachena kuti Zanu PF yakundikana zvayakavimbisa musarudzo nokudaro zvizvarwa zvenyika zvinofanirwa kuchigara pasi zvozeya gwara rekutora.
VaTsvangirai, avo vaiva mutungamiri wehurumende asina masimba muhurumende yemubatanidzwa vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvinhu zvose munyika kubva kudzidzo kusvika kuhupfumi.
Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti hapana chiri kunetsa munyika chingape kuti hurumende ye Zanu-PF igare pasi nemapato anopikisa kuti vagadzirise.
Asi VaTsvangirai vanoti vanhu vose vavari kutaura navo vari kubvuma kuti vanoda kuti vatungamiri vezvematongerwo enyika vaite mubatira pamwe chuma chemuzukuru padambudziko rakatarisana nenyika.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti kunyange hazvo mitengo yezvinhu yadzikira munyika, vanhu havana mari yekuti vatenge zvinhu izvi.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai