Kutukwa kwakaitwa gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, parufu rwegamba renyika VaNathan Shamuyarira, kunonzi neveruzhinji kune chekuita nemakakatanwa ekurwira masimba ari kuitika muZanu-PF.
Vachitaura parufu rwaVaShamuyarira neChishanu, VaMugabe vakati VaMoyo munhu ari kushandisa mapepanhau ehurumende kurwa hondo dzemapoka dziri muZanu-PF.
Vanonzi vari kunetsana kuda kutora chigaro chaVaMugabe kana vaenda pamudyandigere, mutevedzeri waVaMugabe, Amai Joyce Mujuru, uye gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangangwa.
Asi vaviri ava vanomboramba kuti vane zvikwata zvavanotsigira.
VaMoyo vanonzi vari kudivi raVaMnangagwa. Nemusi weMugovera, VaMugabe vakadzokorora zvakare kushora VaMoyo kunyange hazvo vasina kuvadoma nezita sezvavainge vaita nemusi weChishanu.
VaMugabe vakati mubato mapindwa nezvipfukuto zvinofanira kubviswa. Mashoko aya akabva ataurwawo neSvondo kwaMutare nemunyori wezvekufambiswa kwemabasa mubato, VaDidymus Mutasa, avo vanonzi vanotsigira Amai Mujuru.
VaMutasa vakaudza musangano wevechidiki veZanu-PF kuti zvipfukuto zvinofanira kuisirwa mushonga wegamatokisi kuitira kuti zvife zvachose. Hatina kukwanisa kubata VaMutasa kuti tinzwe divi ravo.
VaMoyo vanonziwo nevamwe muZanu-PF vakashorwa zvakanyanya mumusangano wePolitiburo wakaitwa neChina chikwata chaAmai Mujuru chichishora VaMoyo kuti vaiva tuka mumapepanhu ehurumende.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, Muzvare Gladys Hlathwayo, vanoti mashoko ari kushandiswa aya haana kunaka sezvo achiunza kurwisana.
Gweta uye vakamboshanda sechipangamazano chevaive mutungamiri wehurumende muhurumende yemubatanidzwa, VaMorgan Tsvangirai, VaAlex Magaisa, vanoti mashoko aVaMugabe anoratidza kuti nyaya yekongiresi yekutsvaga vatungamiri vatsva yasvika pakaoma.
Mashoko aya anotsinhirwawo neimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vaimbova mutungamiri wevadzidzi paUniversity of Zimbabwe, VaTapera Kapuya.
Asi aka hakasi kekutanga kuti paite ropa rakaipa pakati paVaMoyo naVaMugabe avo vakadomwa naVaMugabe kupinda muhurumende muna 2000 segurukota rezvekuburitswa kwemashoko.
Muna 2005 VaMoyo vakadzingwa basa naVaMugabe mushure mekunge vanyoresa kuti vakwikwidze semumiriri weTsholotsho vakazvimirira, mushure mekunge vanzi vasatora nzira iyi ne Zanu-PF.
Nyaya yesarudzo dza 2005 isati yatanga, VaMoyo vakapomerwa mhosva yekupinda mumusangano wekuTsolotsho wakaitwa muna Mbudzi 2004. Musangano uyu unonzi waiva wekuyedza kudzivisa kuti Amai Mujuru vasatore chigaro chekuva mutevedzeri waVaMugabe.
Asi izvi hazvina kubudirira sezvo vazhinji vakapinda mumusangano uyu vakarangwa neshamhu yaVaMugabe.
Kunyange vakaruza havo sarudzo gore rapera, VaMoyo vakadomwa zvekare kuva gurukota rezvekuburitswa kwemashoko.
Kukandirana makobvu nematete kunenge kwave kuenderera mberi zvekare apo bato ratarisana nedzimwe sarudzo dzakakosha dzekongiresi yebato.
Vamwe vanoti hukama hwaVaMoyo naVaMugabe hwasvika kwamvura yacheka makumbo asi VaMagaisa vanoti husiku huchiri hurefu.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti nyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chaVaMugabe ikasagadziriswa nyaya dzekunetsana nekukandirana nyoka mhenyu dzicharamba dziri mubato iri dzichirikonzera kuti riite zinyeke nyeke.
VaMugabe Vofukura Hapwa neKutuka Kwavakaita VaJonathan Moyo?
د امریکا غږ خبریال ذبیح الله غازي، د کنړ ولایت د دانګام له ولسوالۍ څخه د رپوټ ورکولو په حال کې
WASHINGTON —