WASHINGTON —
Musangano pakati pe European Union nenyika dzemu Africa uri kufanirwa kuitwa kuBrussels svondo rinouya unogona kusaitwa nenyaya yekunetsana kwakanyanya pakati pevakuru vemasangano aya.
Bazi reAfrican Union Peace and Security Council range richisangana muAddis Ababa, Ethiopia, rakabuda nechisungo chekuti vatungamiri venyika dzemu Africa vasaende kumusangano unofanira kutanga musi wa 2 kusvika 3 Kubvumbi kana nhunha dzavo dzisina kugadziriswa.
AU inoti haisi kufara nekusakokwa kweSudan, Eritria uye mudzimai wemutungamiri weZimbabwe, Amai Grace Mugabe, avo vakanyimwa vhiza. AU inoti haisi kufara nekukokwa kwe Egypt iyo yakamisa kuva nhengo nenyaya yemauto akapidigura hurumende yenyika iyi nechisimba.