Kongiresi yeMDC yeChimbichimbi Yorongwa Paine Kutemerana Muvhu

  • Blessing Zulu

VaMorgan Tsvangirai

Kunetsana muMDC-T kwasvika pakaipa munguva iyo bato iri riri kutaura nezvekongiresi yechimbi chimbi inofanirwa kuitwa senzira yekugadzirisa makakatanwa pakati pevanhu vari kutsigira mutungamiri webato, VaMorgan Tsvangirai, nevamwe vari kuti VaTsvangirai ngavachibve pachigaro chepamusoro.

NeMuvhuro mudunhu reHarare munonzi makaitwa musangano uyo wakabuda nechisungo chekuti vakasangana ava vainge vasisina chivimbo nehutungamiri hwasachigaro wedunhu reHarare, VaPaul Madzore nevamwe vavo.

Mutauriri weMDC-T mudunhu reHarare, VaObert Gutu, avo vari kutsigira kuti VaTsvangirai varambe vari pachigaro, vanoti musangano wemanheru uyu wakafamba nenzira kwayo.

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabatawo VaPaul Madzore avo vati zvaitwa kutungana kwembudzi.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, avo vari kutsigira VaTsvangirai kuti varambe vari panyanga, vanoti hapana munhu acharambidzwa kupinda musarudzo dzekongiresi yebato iri dzavati dzave kuitwa nechimbi chimbi kwete muna 2016.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPaul Madzore


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora