VaTsvangirai Vanotambira Nhengo Dzavo Dzaburitswa Mutirongo

  • Thomas Chiripasi

VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri we MDC-T, uye vari mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vashora zvikuru kugariswa kwanga kwakaitwa nhengo dzebato ravo mujeri dzichipomerwa mhosva yekuponda mupurisa mumusha we Glen View gore rapera.

Vachitaura pamusangano wekutambira nhengo dzebato ravo dzaburitswa muhusungwa pamuzinda webato ravo paHarvest House, VaTsvangirai vati vafara zvikuru nekubuditswa kwaitwa nhengo idzi.

Asi VaTsvangirai vati chinovarwadzwa ndechekuti vanhu vari kurwira shanduko munyika vari kushungurudzwa zvisina tsarukano uye vavimbisa kuti vachatengera nhengo dzebato ravo idzi chikafu chokudya pazororo rekisimusi sezvo dzisina kuwana nguva yekugadzirira zororo iri dziri mujeri.

Sachigaro wevechidiki muMDC-T, VaSolomon Madzore, avo vanove mumwe wevari kupomerwa mhosva imwe cheteyo yekuponda mupurisa, Va Petros Mutedza, mumusha we Glen View gore rapera, vatiwo vakazvipira kurwira shanduko uye kuwona mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachibva pachigaro musarudzo dzichaitwa munyika.

Munyori mubazi revechidiki mubato iri, VaPromise Mkwananzi, vashorawo matare nemabatiro aari kuita nyaya iyi vachiti muchuchisi wenyaya iyi ari kuudza matare zvisiri izvo.

NeMuvhuro, dare repamusoro rakati nhengo idzi dzibude muhusungwa zvichireva kuti kwasara nhengo shanu dziri mujeri idzo dzakanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso. Va Madzore nevamwe vavo vaviri vakaburitswa mwedzi wapera mujeri nedare.

Vasungwa ava vari kupomerwa mhosva yekuponda VaMutedza asi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi