Zimbabwe neMuvhuro yakacherechedza makore makumi maviri nemanomwe echibvumirano chokubatana chakanyoreanwa pakati peZanu PF nePF Zapu musi wa 22 Zvita mugore ra 1987.
Chibvumirano ichi chakakwanisa kupedza kusagadzikana kwakanga kwapinda munyika kubva panguva yekuwana kuzvitonga kuzere.
Chibvumirano ichi chakaita kuti pave nehurumende yemushandira pamwe pakati pebato reZanu PF raVaRobert Mugabe nerePF Zapu raitungamirirwa nevakazove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, mushakabvu VaJoshua Nkomo.
Chibvumirano ichi chakasunga kuti vatungamiri vemapato maviri aya ndivo vanenge vachiumba hutungamiri hwenyika, VaMugabe vari mutungamiri vachiteverwa naVaNkomo.
Asi vamwe vanoti chibvumirano ichi hachichina hudzamu nechiremera chakaita kuti chivepo, sezvo bato reZanu PF rave kuonekwa serisiri kuchiremekedza zvakanyanya.
Vaive murwiri wehondo yerusununguko vari kubato rePF Zapu, VaMax Mkandla, vanoti izvi zvakaonekwa nekusadomwa kwemutevedzeri vemutungamiri wenyika anobva kubato re PF Zapu zvichitevera kushaya muna Ndira wegore rapera kwevaive mumwe wevatevedzeri vemutunganiri wenyika vachibva kuPF Zapu, VaJohn Nkomo.
VaMkandla vanotiwo kusasimba kwechibvumirano ichi kunoonekwa zvakare nekubuda muchibvumirano ichi kwevamwe vakaita saVaDumiso Dabengwa nevamwe vachinomutsiridza bato reZapu.
Asi nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti kunyunyuta kwevashoma hakumisi bhazi rerunyararo sezvo vanonzi vakabuda muchibvumirano ichi vakazvibudira pachezvavo sevanhu, kwete sebato.
VaChirumhanzu vanotiwo vanoona kudomwa kwaVaPhelekezela Mphoko vaive kuPF Zapu kuti vave mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika chiri chiratidzo chekuti chibvumirano chichakabata.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu pamwe naVaMax Mkandla