Kunetsana kuri mubato reZanu PF kunonzi kwasvika pakaipa mushure mekupambwa kunonzi kwaitwa imwe nhengo yevechidiki yebato iri uye vaimbove sachigaro wevechidiki mudunhu reHarare VaJim Kunaka.
VaKunaka vanonzi vambopambwa nevanofungidzirwa kuti ndeve chimwe chikwata muZanu PF chiri kukwikwidzana nechinotsigirwa naVaKunaka.
VaKunaka vanonzi vapambwa nevanhu vana vanga vaine motokari yerudzi rweIsuzu KB ine ruvara rwuchena.
Varume vana ava vanonzi vasvika paCarter House mumusha weMbare ndokukumbira kutaura naVaKunaka, avo vanga vari pane vamwe.
Panguva yavabva panga iane vanhu, zvinonzi varume ava vaedza kuisa VaKunaka simbi dzemumaoko asi ivo vachiramba vachida kuziva chikonzero chekusungwa kwavo, izvo zvinonzi zvazoita kuti mumwe wevarume ava aridzire pfuti mudenga senzira yekutyisidzira vanhu vanga vaungana nekuda kweruzha rwaitwa naVaKunaka.
Mushure mezvo varume ava vanonzi vazotanga kurova VaKunaka vachivazvuzvurudzira kumotokari yavo.
VaKunaka vanonzi vazokwanisa kusvetuka kubva mumotokari iyi vave pedyo nenhandare yendege mushure mekunge motokari iyi yanga yofamba zvishoma payasvika panga paine roadblock yemapurisa.
Imwe nhengo yevechidiki veZanu PF VaWellington Peyama avo vanoona VaKunaka kuchipatara, vanoti VaKunaka vakuvara zvakaipisisa uye pari zvino vari kuchipatara cheAvenues Clinic kwavari kutariswa navanachiremba.
VaPeyama vanoti vanofunga kuti sachigaro weZanu PF muHarare pari zvino VaGodfrey Gomwe vane chekuita nekupambwa kwaVaKunaka uku.
Studio 7 yakundikana kubata VaGomwe sezvo nhare yavo yanga isingadairwi.
Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vati vari pazororo vakati titaure naChief Superintendent Paul Nyathi avo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaWellington Peyama