Zambia Inoviga VaMichael Sata

  • Blessing Zulu

Members of the Zambian Defence Forces and

Vanhu vanodarika zviuru makumi mashanu vaungana neChipiri mu Zambia vachionekana nevaive mutungamiri wenyika iyi, VaMichael Sata, avo vakashaya ku Britain masvondo maviri apfuura.

Vatungamiri vemu Africa vakawanda, kusanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanga vari munhandare ye Heroes Stadium vachionekana naVaSata.

Mufi akashaya musi wa 8 Gumiguru kuchipatara chemu London mushure mekurwara kwenguva yakareba.

VaSata vavigwa kuEmbassy Park muLusaka nzvimbo inovigwa vatungamitri venyika iyi.

Vachitaura pamusangano uyu sasachigaro weSADC, VaMugabe vati VaSata vange vari munhu akazvipira mukurwisa vadzvanyiriri avo vati vari kuuya mazuva ano vachitungamidza masangano akazvimirira.

VaMugabe vati vasveta simba ava vanopa vanhu vemuAfrica mari kuti vaite zvehuori.

Vatiwo ivo naVaSata vaishanda vose mukuyedza kuunza budiriro muZimbabwe nemuZambia.

Mutevezdzeri waVaSata, VaGuy Scott, ndivo vakafanobata matomu pari zvino uye. VaScott vati vachayedza kuti munyika muitwe sarudzo itsva dzakachena pasina mhirizhonga.

MuZambia, semuZimbabwe, hamuna kunyatsojeka kuti ndiyani anotora masimba sezvo VaScott vasingatenderwe nebumbiro remitemo kuti vakwikwidze sezvo vabareki vavo vakaberekerwa kuScotland.

Asi munyika iyi hamuna kugadzikana nenyaya yekusajeka kuti ndiyani achatora chigaro chekutungamira Zambia.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika muZambia, uye vachitungamira sangano re Centre for Policy Dialogue, Dr Neo Simutani, vanoti VaMugabe vanofanira kugadzirisa nyaya yekuti ndiyani achavatsiva kana vasingadi kuti muZimbabwe muite mhirizhonga.

Vati muZambia mune kunetsana asi muri nani pane zvichaitika muZimbabwe kana VaMugabe vakasagadzirisa hondo yomuka mubato ravo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paMulungushi University muZambia, Muzvare Petra Chinyere, vanoti vane chivimbo chekuti muZambia muchauya mutungamiri mutsva pasina kurwisana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Petra Chinyere