Vanotengesera mumigwagwa yemuHarare varwisana nemapurisa ekanzuru yeguta iri mushure mekunge vatorerwa zvinhu zvavanga vachitengesa nemapurisa aya.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
Mapurisa ekanzuru aya anonzi afumira mumigwagwa maatorera vanhu zvinhu zvavo ndokuenda nazvo kumahofisi ekanzuru.
Zvichitevera kupambwa kwaitwa zvinhu izvi, vatengesi ava vaita gurumwandira vakananga kumahofisi ekanzuru kwavaratidzira vakatakura mapepa ane zvinyorwa zvakasiyana-siyana vachida kuti vadzoserwe zvinhu zvavo.
Zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi, “Tidzoserei zvinhu zvedu munoda kuti tife nenzara here?”
Mutungamiri werimwe remasangano anomirira vanotengesera mumigwagwa re National Vendors Union of Zimbabwe, VaSamuel Wadzayi, vati chavanga vachida chete ndechekuti nhengo dzesangano ravo dzidzoserwe zvinhu zvadzo zvatorwa nemapurisa ekanzuru.
VaWadzayi vari pakati pekutaura neStudio 7, mapurisa ekanzuru anga aine tsvimbo abva atanga kurova vatengesi ava avo vazodzoserawo nekuatema nematombo.
Mukurwisana uku, mapurisa asunga vatengesi vanokwana gumi zvazoita kuti VaWadzayi vaende mumba yekanzuru yanga yakachengeterwa vanhu vasungwa nemapurisa ekanzuru ava zvazokonzera kuti vabve vasungwa wo zvakare.
Mumwe wevatori venhau, Edgar Gweshe, ambosungwawo nemapurisa aya mushure mekutora mifananidzo yezvanga zvichiitika asi azoregedzwa.
Munyori musangano rinomirira vatori venhau reZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, vaburitsa mashoko ekushora mapurisa ekanzuru vachiti vatori venhau vanofanirwa kuregedzwa vachiita basa ravo vakasununguka.
Studio 7 yazoona VaWadzayi nevamwe vatengesi vakaiswa ngetani vari mune imwe hofisi yekanzuru yeHarare, uye vamwe vevatengesi vanga vabatwa ava vanga vachizvindikitwa netsvimbo nemapurisa ekanzuru aya.
Rimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, rinoti ratumira magweta kuti anomirira vasungwa ava.
Mumwe wevanotengesera mumigwagwa ava, Amai Merjury Gobvu, vati havana kufara nekutorwa kwaitwa zvinhu zvavo nemapurisa ekanzuru aya.
Sachigaro werimwe remasangano anomirira vanotengesera mumigwagwa reMobile Youth Foundation, Va Peter Jack, vati kupambwa kwaitwa zvinhu nekanzuru kwaitwa kanzuru ichishanda pamwe chete nevasori pamwe nevamwe vasiri vashandi vekanzuru.
VaJack vati vamwe vashandi vekanzuru vanga vachida chioko muhomwe kuti vadzosere zvinhu zvavanga vatorera vanhu vanotengesera mumigwagwa ava.
Zvichakadai, mutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme, varamba mashoko ekuti mapurisa avo arova vanotengesera mumigwagwa ava vachiti mapurisa aya anga achichengetedza mahofisi ekanzuru yavo.
Kunyange hazvo kanzuru yaswera ichitorera vanhu zvinhu mudhorobha reHarare, vanotengesera mumigwagwa ava vanga vachidzoka mbichana-mbichana vachizowaridza zvinhu zvavo mumigwagwa vachiti havana chekubata kudzimba dzavo.
Vamwewo vanotengesera mumigwagwa ava vave kutanga kutengesa manheru kana vashandi vekanzuru vachinge vapedza mabasa.
Zvichakadaro, VaWadzayi vaudza Studio 7 vari mumaoko emapurisa kuti vaudzwa nemapurisa aya kuti vangangoendeswa kudare redzimhosva neChitatu, vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.
VaWadzayi vanoti vakuru vekanzuru pamwe nevehurumende havasi kuda kutaurirana nevanotengesera mumigwagwa ava senzira yekugadzirisa dambudziko iri.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaSamuel Wadzayi