Hukama hweZimbabwe nenyika yeAmerica huchamboramba huri sezvahuri kusvikira Zimbabwe yaratidza kuti yazvipira kuita shanduko munyaya dzekuremekedza kodzero dzevanhu, kuremekedzwa kwemidziyo yevanhu uye kumiswa kwemhirizhonga munguva dzesarudzo.
Izvi zvakabuda neChitatu pamusangano wakaitwa nenhengo dzeparamende wekuzeya hukama hwenyika mbiri idzi paine zvapupu zvichipa humbowo hwazvo.
Vachiparura musangano uyu, vaive sachigaro vekomiti iyi, VaChristopher Smith vakati mamiriro aita zvinhu munyika anosiririsa kuburikidza nekuputsika kwaita nyaya dzekurima, pamwe nekuparara kweupfumi izvo zvoita kuti vanhu vakawanda vararme nekuzviitira mabasa.
Imwe nyaya hombe ndeyekutsakatika kwemurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, avo hurumende yeZimbabwe iri kunzi haina zvikuru zvairi kuita kuratidza kuti iri kuvatsvaga.
Vachipa huchapupu hwavo, mutewedzeri wemunyori anoona nezvekudyidzana kweAmerica neAfrica mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, uye vachangobva kushanyirawo Zimbabwe, Amai Shannon Smith vakati nyika yavo icharamba yakavhura mikana yenhaurirano neZimbabwe.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakapindawo mumusangano uyu ndiMuzvinafundo Stanford Mukasa, avo vanodzidzisa paIndiana University of Pennsylvania, muno muAmerica. Muzvinafundo Mukasa vanoti zvabuda pachena kuti America yakazvipira chose kugadzirisa hukama hwayo neZimbabwe kana chete Zimbabwe yakashandura maitiro ayo.
Mashoko aVaMukasa anotsinhirwawo naMuzvare Gladys Hlatshwayo, avo vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira.
Muzvare Hlatshwayo, avo vanove mumwe wevanhu vakapindawo mumusangano uyu, vanoti zvasarira kuhurumende yeZimbabwe kuti iratidze divi rayo panyaya iyi, kuburikidza nekuremekedza kodzero dzevanhu.
Vachipindura mubvunzo wekuti zvirango zviri kushanda here kana kuti kwete, Amai Smith vakati zvirango zvinonzi neZimbabwe yakatemerwa, zvakatemerwa vanhu, kwete hurumende.
Vadare ava vakatiwo muZanu PF mune kusawirirana izvo zvakasvitsa pakudzingwa kwevaive mutewedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru nevamwe, uye hapana tarisiro yekuti pane hurongwa hwekuti dziyani achatungamira kana VaMugabe vasiya chigaro, izvo zvinosiya VaEmmerson Mnangagwa vari panyanga.
Imwe nhengo yedare reparamende, Amai Karen Bass vakati vezvematongerwo enyika vanopikisa hurumende vari kutadza kushandisa mukana wekusagadzikana kwezvinhu muZanu PF vachipedza nguva nekuramba vachingotsemuka-tsemuka, pasina shoko rinobatanidza vanhu.
Izvi zvakatsinhirwawo zvakare naVaMukasa avo vanoti zvichatora nguva kuti mapato anopikisa muZimbabwe abatane zvekubvisa hurumende yeZanu PF, kunyange mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vabva pachigaro.
Mumwe wezvapupu uye vachishada nesangano reSolidarity Centre Amai Imani Countess vakati havaoni pari nhasi paine imwe nzira panyaya yevanopikisa, asi vakati mutungamiri werimwe bato reMDC VaMorgan Tsvangirai vari kutenderera nenyika vachisangana nevanhu vepasi.
Vakati zviri kuratidza kuti pari zvino hapana vari mumasimba ekutonga vari kushandira vanhu veZimbabwe.
Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaGoodson Nguni vanosvora zvikuru danho reAmerica rekunzwa huchapupu kubva kuvanhu vasingagare munyika.
VaNguni vanoti mumwe wevaipa huchapupu vachimirira varimi vachena vakatorerwa minda, VaBen Freeth vesangano reMike Campbell Foundation, munhu asingagare muZimbabwe, izvo zvinoita kuti chero zvavanotaura zvisave nehudzamu.
VaFreeth vakaudza komiti iyi kuti VaMugabe vanofanirwa kuudzwa kuti vasiye zverusarura ganda zvavanotungamidza pavanongoitira misangano yavo.
Hurumende yeAmerica yakati kusvikira hukama hwayo neZimbabwe hwagadziriswa, icharamba ichibatsira munyaya dzekurarama kwevanhu dzakaita sekudzidzisa vanhu nezvesarudzo, madzimai mune zvekurima, pamwe nekushanda nemasangano akazvimirira.
Kubva pawana nyika kuzvitonga kuzere, America inoti yabatsira Zimbabwe nemari inodarika mabhiriyoni maviri nechidimbu emadhora.
Mugore rapera chete, America inoti yakabatsira Zimbabwe nemari inoita mamiriyoni zana nemakumi manomwe nemashanu emadhora yakanangana nezvirongwa zveHIV/Aids.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya ina Jonga Kandemiiri