Imwe nyanzvi mune zveupfumi inoti tarisiro iri kuitwa nevanogadzira machira nembatya yekuti vange vave kushanda zvizere panosvika gore ra2020 zvichitevera danho riri kuda kutorwa nehurumende rekumisa kutengeswa kwembatya tsaru dziri kubva kunze, rinogona kuve zviroto zvisingabatiki.
Mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti pane zvimhingamipinyi zvakawanda zvinogona kutadzisa kumuka kwechikamu ichi sezvo zvinhu zvose munyika zvaita manyama amire nerongo.
Vanoti kushaikwa kwemagetsi nguva dzose mumakambani, kunetsa kwemvura pamwe nemichina yave mitsaru, ndezvimwe zvezvinhu zvinogona kutadzisa shuviro iyi kuti ibare michero.
Doctor Kanyenze vanotiwo kudhura kwemiripo inotarisirwa kubhadharwa nevanenge vakwereta mari kumabhanga emunyika zvichienzaniswa nemabhanga ekune dzimwe nyika, ndezvimwe zvezvimhingamipinyi zvinogona kutadzisa kumuka kwemaindasitiri embatya aya.
Zvichitevera kuziviswa kwakaitwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, kuti dare remakurukota rakawirirana kurambidzwa kwekutengeswa kwezvipfeko zvitsaru zviri kubva kunze kwenyika, sangano reZimbabwe Clothing Manufacturers Association rakazivisa kuti rave netarisiro yekuti bandiko iri ringe rave kushanda zvizere.
Makambani embatya mazhinji akavhara zvichitevera kuparara kweupfumi, izvo zvinonzi naVaKanyenze zvichatora nguva kumutsiridza.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naDoctor Godfrey Kanyenze