Veruzhinji vanoshandisa nharembozha munyika vanonzi vatanga goredzva zvakanaka zvichitevera danho ratorwa nemakambani enharembozha rekudzikisa mutengo wekufona nezvikamu zvingada kusvika makumi matatu kubva muzana.
Makambani matatu anoti Net-One, Telecel Zimbabwe neEconet Wireless Zimbabwe anonzi abvuma kutevera kurudziro yakaitwa muna Gumiguru wegore rapera neboka rinoongorora mafambisirwo emashoko munyika rePostal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe, POTRAZ, yekuti mitengo yekushandisa nharembozha ideredzwe.
POTRAZ inonzi yakaita ongororo yayo iyo yakaburitsa kuti mutengo wekushandisa nhare munyika wakakwira nezvikamu makumi matatu kubva muzana.
Danho iri rinonziwo richaita kuti mutengo wekushandisa nhare udzike kubva pamasendi makumi maviri nematatu kusvika pamasendi gumi nemashanu paminiti imwe chete.
Kambani yeEconet Wireless Zimbabwe yazivisawo kuti yatambira kurudziro iyi uye ichadzikisa mutengo wayo kusvika pamasendi gumi nematanhatu paminiti kana munhu achifonera imwe kambani uye masendi gumi nemashanu kana vanhu vachifonerana nenharembozha dzeEconet dzega dzega.
Nyanzvi mune zveupfumi uye vachitungamira sangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanoti izvi zvichanakira veruzhinji asi mutengo uyu uchakakwira zvichienzaniswa nedzimwe nyika.
Zimbabwe inonzi ndiyo nyika ine mitengo yakakwira zvakanyanya zvichienzaniswa nedzimwe nyika kuchamhembe kwe Africa.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJohn Mufukare