Gavhuna veRBZ Vokurudzira Kusakwidzwa kweMihoro

  • Jonga Kandemiiri

Reserve Bank of Zimbabwe

Gavhuna vebhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vayambira kuti kukwidza mihoro pane ino nguva kunokanganisa hupfumi hwenyika, sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzeupfumi.

Vachitaura nemusi weChina mangwanani muguta reBulawayo pamusangano wakokerwa neZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, VaMangudya vati kunze kwekukwidza mari dzemihoro, chinofanirwa kuitwa kuderedza mitengo yezvinhu kuitira kuti ifambidzane nemari dziri kutambirwa nevanhu.

Sangano reZNCC ranga rakoka VaMangudya kuti vakurukure nezvekupinzwa kwemari yesimbi yema bond coins, iyo inonzi haisi kutambirwa nevemabhizimusi vakawanda.

Doctor Mangudya vakurudzira vemabhizimusi kuti vatambire mari iyi sezvo iine huremu hwemari yekuAmerica iyo iri kunyanyoshanda munyika.

VaMangudya vati vanhu vari kupihwa chenji yemari yekuSouth Africa yemarhandi vanogona kunge vari kubirwa sezvo mari iyi iri kuramba ichiderera huremu hwayo.

Vamwe vemabhizimusi madiki vapinda mumusangano uyu vakurudziranawo kuti vatambire mari yesimbi iyi senzira yekurerutsira vanhu.

Asi nyanzvi mune zveupfumi uye vari mukuru wesangano reCentre for Disability and Development, VaMasimba Kuchera, vanoti chinodiwa pane ino nguva hakusi kudzikiswa kwemitengo yezvinhu chete, asi kuti kuderedzwawo kwemitero nehurumende.

VaKuchera vanoti hazvibatsiri kuti hurumende irambe ichibhadharisa mitero yepamusoro kuzvinhu zvakaita semafuta ekufambisa nezvimwe, sezvo mitero iyi ichizongodzikiswa kune vanotenga zvinhu, avo vari kutambira mari shoma.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMasimba Kuchera