Zvinhu zvinonzi zvinogona kuipa munyaya dzehutano zvichitevera chiziviso chapiwa nesangano ravanamukoti reZimbabwe Nurses Association Harare Chapter chekuti vanogona kuramwa mabasa neMuvhuro svondo rinouya kana hurumende yakasavapa mari dzavo dzemabhonasi panopera musi weChishanu svondo rino.
Sachigaro weZimbabwe Nurses Assocation Harare Chapter VaEnock Dongo vanoti vanamukoti vatora danho iri nekuti hurumende haisi kuchengetedza zvivimbiso zvainenge yavapa.
Vanoti hurumende yakanga yavimbisa kuti vachawana mari idzi muna Zvita asi yakazoshanduka yoti musi wa2 Ndira gore rino, izvo zvakaita kuti vanamukoti vamukire kumabhanga vakanoswerako vakagarira mari dzavo idzo dzisina kuuya kusvika pari nhasi.
Izvi zvinotsinhirwawo navanachiremba, avo vasati vapihwawo mari dzebhonasi idzi.
Mutungamiri wesangano ranavachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association Doctor Fortune Nyamande vanoti sezvo nhengo dzavo dzichiri kubva muhurukuro nehurumende vachambomirira kuona kuti zvichafamba sei.
Asi Doctor Nyamande vanoti kuramwa mabasa kwavanamukoti kurevawo kuti naivo vanenge votopindawo mukuramwa mabasa uku sezvo vasingazogoni kushanda vasina vanamukoti nevamwe vanovatsigira muzvipatara.
Asi vanoti vanotarisira kuti zvavakavimbiswa nehurumende zvinosanganisira kukwidzwa kwemari dzavo dzemihoro nezvimwe zvichazadziswa.
Varairidzi vakawana mari dzavo dzemabhonasi neMuvhuro asi hurumende inonzi haina zvayati yataura pamusoro pavanachiremba nevakoti.
Vanachiremba vakabva pakuramwa mabasa kwemasvondo matatu vachida kuti vawedzerwe mari dzavanotambira.
Zvichakadaro, sangano reZimbabwe Teachers Association , Zimta, rinoti riri kutanga musangano wemazuva maviri wekutsvaga nzira dzekuunza nhaurirano pakati pevashandi vehurumende nehurumende.
Mutungamiri weZimta, VaRichard Gundani vanotiwo nhengo dzavo zhinji dzakawana mari dzemabhonasi kutanga neMuvhuro, asi nhau yekunonoka kutambiriswa ichakurukurwa nezvazvo mumusangano weNational Executive uyu.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaRichard Gundani