VaMugabe Vanowedzera Mamwe Makurukota Hurumende Yavo Ichiti Haina Mari

  • Thomas Chiripasi

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe (file photo - 10 Aug. 2010)

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakashandura zvakare mamiriro edare remakurukota ehurumende yavo kanove kechitatu gore rino.

VaMugabe vakatoresa makurukota matatu pamwe nevatevedzeri vemakurukota ehurumende gumi nemumwechete mhiko dzebasa zvichitevera kudzingwa kwakaitwa vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru nemamwe makutukota ainzi aivatsigira.

Vakatoreswa mhiko ndaVaJoram Gumbo avo vakagadzwa segurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, vachitsiva VaObert Mpofu avo vakaitwa gurukota rinoona nezvekuvandudzwa kwehupfumi.

VaMakhosini Hlongwane vanomirira Mberengwa East, vakaitwa gurukuta rehurumende risina bazi rarakamirira, vange vari gurukota rinowona nezvekuvandudzwa kwehupfumi VaSimon Khaya-Moyo vakaitwa gurukota rinoshanda riri muhofisi yemutungamiri wenyika vachiona nezvezvirongwa zvehurumende kana kuti "policy coordination."

VaAbednigo Ncube ndivo vakaitwa gurukota rinoona nezvekumaruwa, VaChristopher Mushowe, vanga vachiwona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema ndivo vakagadzwa segurukota rinowona nezvekuburitswa kwemashoko.

Muzukuru waVaMugabe, VaPatrick Zhuwao vakagadzwa kuve gurukota rinoona nezvevechidiki pamwe nekuendeswa kwehupfumi kuvatema.

VaGumbo vanoti vanofara zvikuru nekugadzwa kwavakaitwa segurukota rezvekutakurwa kwezvinhu vachiti vanzi naVaMugabe vashande zvakasimba kugadzirisa migwagwa yemunyika iyo yazara makomba.

VaTapiwa Matangaidze, avo vakagadzwa semutevedzeri wegurukota rinowona nezvevashandi, vanoti vane basa guru rekubvisa mazita evashandi vari kubhadharwa nehurumende asi vasingashandire hurumende yacho.

VaTshinga Dube, vanomirira Makokoba muparamende, vakagadzwawo semutevedzeri wegurukota rinowona nezvevaimbova varwi muhondo yerusunguko.

Amai Berita Chikwama vakaitwawo mutevedzeri wegurukota rinowona nezveminda, kuchitiwo VaEdgar Mbwembwe vakaitwa mutevedzeri wegurukota rinoona nezve kunze kwenyika.

VaObedingwa Nguni vakaitwa mutevedzeri wegurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, VaChristopher Chingosho vakaitwawo mutevedzeri wegurukota rinowona nezvekutakurwa kwezvinhu.

VaAldrin Musiiwa vakaitwa mutevedzeri wegurukota rinoona nezvehutano uye vaimbova gavhuna wedunhu reMatabeland South, Amai Thokozile Mathuthu, vakaitwa mutevedzeri wegurukota rinowona nezvekuburitswa kwemashoko.

VaMichael Madanha ndivo vakaitwa mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu.

Zvichakadaro, mutauriri webato guru rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangira, VaObert Gutu vashora zvikuru kudomwa kwemamwe makurukota aya vachiti hurumende haina mari yekubabhadhara.

Izvi zvatsinhirwawo nemutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwai avo vati vazhinji vevanhu ava vane nhoroondo yekukundiakana.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Reserch Institute of Zimbabwe VaProsper Chitamba vatiwo nemamiriro akaita hupfumi, Zimbabwe haikwanise kubhadhara vanhu ava uye inotofanira kuderedza huwando hwemakurukota enyika.

Vazhinji vevanhu vakagadzwa ava vanhu vanonzi nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari muchikwata cheZanu PF chinotungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Thomas Chiripasi

Hurumende yeZimbabwe iri kukurudzirwawo nemabhanga akaita sereInternational Monetary Fund kuti ideredze huwandu hwevashandi vayo sezvo mari yose yehurumende iri kuperera mukubhadhara vashandi.