Zvinonzi pakave nekukandirana makobvu nematete pakati penhengo dzebato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai nenhengo dzeMDC Renewal Team neMugovera mudunhu reBuhera West mushure mekunge veMDC T vapomera veMDC Renewal Team mhosva yekunyomba mutungamiri wavo VaTsvangirai.
Izvi zvinonzi zvakaitika pakuvigwa kwaAmai veimwe nhengo yeMDC Renewal Team, VaToendepi Shonhe.
Zvinonzi nyaya yakatangira pakasimuka mumwe mukuru muRenewal Team, VaElton Mangoma, vachitaura vakamirira bato ravo, avo vanonzi vakapomera VaTsvangirai mhosva yekushanda nebato reZanu PF.
Izvi zvinonzi hazvina kutambirwa zvakanaka nevamwe vaive parufu urwu vachitsigira bato raVaTsvangirai izvo zvakazoita kuti imwe nhengo uye vari kanzura muBuhera makare, VaPaul Makuvise, vasimuke vachimisa VaMangoma kutaura.
Bato reMDC T rinogaronyunyuta kuti veMDC Renewal Team vanongotuka VaTsvangirai kana nepasina kukodzera sezvinonzi ndivo vari kutonga nyika.
Mashoko anombotaurwawo neMDC Renewal kuti vatsigiri vaVaTsvangirai vanovashorawo zvisina kukodzera.
VaMakuvise vanoti senhengo dzeMDC T havasi kuzorega vanhu vachiita madiro aJojina vachituka mutungamiri wavo, zvikuru vari kudunhu rakaberekerwa VaTsvangirai reBuhera.
Asi munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano muMDC Renewal Team mudunhu reManicaland, VaPishai Muchauraya, vanoramba kuti kune zvakadaro zvakaitika.
VaMuchauraya vanoti rufu urwu rwaive mumaoko evanhu vebato ravo saka hapana mukana waivepo kuti nhengo dzeMDC T dzivaudze zvekuita.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaPaul Makuvise
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVapishai Muchauraya