Kudoma Vachakwikwidza paKongiresi Kotanga muMDC-T

  • Jonga Kandemiiri

VaMorgan Tsvangirai

Nhengo dzeMDC T mudunhu reChitungwiza neSvondo manheru dzinonzi dzakadoma vanhu vadzinoda kuti vakwikwidze muzvigaro zvepamusoro mubato musarudzo dzichaitwa pakongiresi yebato iri mwedzi unouya.

Dunhu reChitungwiza rinonzi rakati mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, varambe vari panyanga uye mutevedzeri wavo, Muzvare Thokozane Khupe, sachigaro webato, VaLovemore Moyo, nemutewedzeri wavo, VaMorgen Komichi, varambe vari pazvigaro zvavo.

Chitungwiza inonzi yakadomawo murongi wemisangano, VaNelson Chamisa, pachigaro chemunyori mukuru, mutevedzeri wavo ari VaTapiwa Mashakada.

Amai Theresa Makone vanonzi vakadomwawo semubati wehomwe mushure mekukunda VaObert Gutu. Mutauriri webato, VaDouglas Mwonzora, vanonzi vakadomwa kuti varambe vari mutauriri webato.

VaMurisi Zwizwai ndivo vanonzi vakadomwawo kuti vave munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano, chigaro china VaChamisa pari zvino.

Dunhu reChitungwiza rinonziwo rakabvisa hutungamiri hwaro hwanga huripo richiisa hutsva.

Dunhu reHarare rinonzi rakadzoserawo hutungamiri hwekumusoro kubva kuna VaTsvangirai kusvika pamutevedzeri wasachigaro, vanova VaKomichi.

Asi zvinonzi kunenge kune mutauro pazvimwe zvigaro, izvo zvinonzi zvingangoita kuti dunhu iri ridzokorere zvakare sarudzo. hapana kujeka kuti zvinzvimbo zvakonzera mutauro zvakange zvavhoterwa vanani.

Mazita evamwe vanonzi vari kuda kukwikwidza atotanga kuiswa mudariro, zvikuru pamadandemutande.

Mumwe ane zita riri kubuda mumadandemutande ndiMuzvare Thabitha Khumalo, vanowe mumiriri weBulawayo East muparamende.

Muzvare Khumalo vaudza Studio7 kuti vari kuda kukwikwidza pachigaro chemutevedzeri wemutauriri webato.

Vanoti kunyange hazvo dunhu ravo reBulawayo risati raita sarudzo, rakavakumbira kuti vakwikwidze pachigaro ichi.

Studio7 yakundikana kubata hutungamiri hwedunhu reBulawayo kuti tinzwe kana chiri chokwadi chekuti hwakakumbira Muzvare Khumalo kuti vakwikwidze.

Asi mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti hapana munhu anobvumidzwa kutanga kutsvaga rutsigiro dunhu rake risati ragara pasi kuti ridome varinoda kuti vatore zvigaro.

VaMwonzora vanoti vari kuita izvi vanogona kutorerwa matanho ekurambidzwa kukwikwidza.

Asi Muzvare Khumalo vanoti dunhu ravo rakavaudza zvariri kuda, izvo vakatambira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvareThabitha Khumalo

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora