Bato MDC T rinoti richaita misangano miviri mikuru nemusi weChina neChishanu svondo rino ye national executive pamwe ne national council, iyo ichazeya zvakabva kukomiti yainzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebumbiro remitemo yebato.
Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti misangano iyi ndeyekuti patambirwe pfungwa dzevanhu dzichaiswa mubumbiro, uye kuti pave nebumbiro idzva richashandiswa pakongiresi ichaitwa mwedzi unouya.
VaMwonzora vanoti kana bumbiro remitemo ravandudzwa izvi zvichapa mukana kune vanenge vachida kuzokwikwidza zvigaro mubato iri kuti vatsvage rutsigiro pane kuti vazoita zvose panguva yekongiresi.
Vanoti bato ravo rakasungawo kuti harisi kuzobvumidza nhengo dzichashandisa nzira dzisina kutwasuka mukutsvaga rutsigiro, uye richatora matanho akaomarara kuna ani nani zvake achazobatwa achityora mitemo yebato.
MDC T inotiwo ichamanikidza hurumende yeZanu PF kuti iite zvayakavimbisa vana veZimbabwe kuti ichaita payaitsvaga rutsigiro.
Ichi chimwe chezvisungo zvinonzi nebato iri rakasunga kumhemberero dzekusvitsa makore gumi nemashanu yaumbwa dzakaitirwa kunhandare yeMucheke, kuMasvingo mukupera kwesvondo.
VaMwonzora vanoti zvimwe zvezvisungo zvavo zvinosanganisira kubatana nemasangano kana mapato ezvematongerwo enyika vane pfungwa dzakafanana nedzavo mukurwira kuti vana veZimbabwe vabve mumadhaka avakaiswa nebato riri kutonga reZanu PF.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaDouglas Mwonzora