Kongiresi yebato reMDC-T inonzi yakapera zvakanaka mukupera kwesvondo, uye vanhu vakawanda vanoti yakaitwa murunyararo.
Musangano uyu wakaona vaiva munyori wezvekuburitswa kwemashoko, VaDouglas Mwonzora, vachikunda vaive munyori wezvekurongwa kwemisangano, VaNelson Chamisa, pachigaro chemunyori mukuru webato chavakakwikwidza vose.
Munyori mutsva wezvekurongwa kwemisangano ndiVaAbednico Bhebhe, vachitevedzerwa naVaThamsanqa Mahlangu.
Mutauriri webato mutsva ndiVaObert Gutu, vachitevedzerwa naMuzvare Thabitha Khumalo.
Vanoongorora sarudzo vanoti sarudzo idzi dzakaita kuti pave nekugovana masimba zvakaenzana pakati pematunhu ekumaodzanyemba nekuchamhembe kwenyika.
Musangano uyu wakabudawo nezvisungo zvakati kuti zvinosanganisira kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yebato iri.
Chisungo chikuru chiri kunyanya kuita kuti vanhu vataure nezvacho kuwedzerwa kunonzi kwakaitwa masimba emutungamiri webato iri, izvo zvinoonekwa nevamwe sekusunga vamwe mubato iri.
Musangano uyu unonzi wakasungawo kurudziro yeNational Council yebato iri yekuti National Standing Committee ikudzwe muchipinzwawo munyori wezvesarudzo, uyo anenge anodomwa nemutungamiri webato.
Kongiresi iyi inonziwo yakasungawo zvakare kuti nhengo dzese dze National Standing Committee dzishande dziri pasi pemutungamiri webato, pane zvimwe zvisungo zvakati kuti.
VaMwonzora vanoti vakaninipiswa zvikuru nekusarudzwa kwavakaitwa. Vanoti vachashanda zvakasimba mukuvaka bato ravo, iro vanoti ranga richiita dambudziko remapoka aikonzerwa nevanyori vakuru vebato vakasiya bato iri.
Studio7 yakundikana kubata VaChamisa kuti tinzwewo divi ravo, sezvo paine mashoko ari kubuda ekuti vari kuda kupikisa zvakabuda musarudzo.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaTakura Zhangazha, vanoti vanofadzwa nezvakaratidzwa nebato reMDC T pakuita kwaro kongiresi, sezvo zvichiratidza hutongo hwejekerere.
Asi VaZhangazha vanoti pavanopokana napo chete inyaya yekuunganidza masimba pamutungamiri webato, sezvo izvi zvichiratidza humbimbindoga.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTakura Zhangazha