Nhengo dzeMDC Renewal Team Dzorasira Marara paMahofisi eKanzuru yeHarare

  • Jonga Kandemiiri

Marara anonzi ari kurasirwa pose pose muguta reHarare

Nekuona kusatakurwa kwemarara muguta reHarare, nhengo dzeMDC Renewal Team dzakatanga kutora matanho ekutakura marara dzichiarasira pamahofisi ekanzuru senzira yekuratidza kusafara kwadzo.

NeChitatu nhengo idzi dzanga dzichiratidzira nemutowo uyu dziri mumusha unogara veruzhinji weGlen View mushure mekuita zvimwechetezvo mumisha yeHighfield neGlen Norah.

Mutauriri weMDC Renewal, VaJacob Mafume, vanoti vanoona kuti matanho aya achamanikidza vakuru vekanzuru kuti vatore matanho ekuchenesa guta kwete kupedza mari vachitenga dzimotokari dzinodhura dzisina basa.

MDC Renewal iri kukurudzirawo vagari vane zvikwereti kuti vasabhadhara mitero senzira yekuratidza kutsutsumwa kwavo.

MDC Renewal Team inoti iri kurongawo kuendesa kumatare edzimhosva meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, pamwe negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, nenyaya yekurega guta richiparara vakatarisa.

Asi VaManyenyeni vaudza Studio 7 kuti havasati vanzwa nezvedanho reMDC Renewal Team rekurasira marara pamahofisi ekanzuru iri, asi vati veMDC Renewal kana vari kuita izvi riri kutsvaga mbiri nenzira isina kunaka.

Mune imwewo nyaya, mumiriri weBuhera South muparamende, VaJoseph Chinotimba, vabatana nevaimbi vanoti Sulumani Chimbetu naBaba VaShupi nevamwe vatambi mukutsvaira mumigwagwa yemukati meguta reHarare.

VaChinotimba vave nemazuva vachitsvaira pamwe nekutakura marara muHarare senzira yekukurudzira vanhu kuti vachenese guta iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Mafume