MDC Renewal Team inoti yasunga kuti iite musangano wayo mukuru wekongiresi gore rino, uye kushanda pamwe nemamwe mapato pamwe nemasangano ane maonero mamwe chete nayo, murwendo rwayo rwekuburitsa vana veZimbabwe muhutapwa hwenhamo yainoti vakaiswa nebato reZanu PF.
Mutauriri weMDC Renewal Team, VaJacob Mafume, vanoti musangano wekomiti yepamusoro waitwa kuBulawayo, wakurukurawo nezvenzara yakatarisana nenyika, pamwe nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi nemagariro.
VaMafume vanoti hurongwa hwavepo ndehwekuti vabude nehwaro hwavachafamba nahwo mukuronga kuti vakwanise kuita kongiresi yavo muna Gunyana gore rino.
Vanoti musangano uyu wakurukurawo zvakare kudzingwa kwenhengo dzavo kubva mudare reparamende.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJacob Mafume