MDC Inodoma Vanyori veMapazi

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti musangano wayo we National Council wakaitwa neMugovera wakabudirira zvikuru, uye wakakwanisa kutambira zvisungo zvakabuda pakongiresi yebato yakaitwa mukupera kwaGumiguru.

Mutauriri webato iri, VaObert Gutu, vanoti National Council yebato ravo yakatambirawo kuvandudzwa kwebumbiro rebato pamwe nekudomwa kwenhengo dzichange dzichibata zvigaro mumapazi akasiyanasiyana.

VaGutu vanoti musangano uyu wakapawo mukana kumutungamiri webato VaTsvangirai wekuti vadome nhengo gumi neshanu dzinopinda muNational Executive.

Nhengo idzi dzinosanganisira VaGideon Shoko, VaJob Sikhala, VaNelson Chamisa, VaEddie Cross, VaElias Mudzuri pamwe naAmai Sithembile Mhlotshwa nevamwe.

VaTsvangirai vakadomawo zvakare nhengo makumi maviri neimwe dzichabata zvigaro zvevanyori vemapazi akasiyanasiyana, sezvinodiwa nebumbiro remitemo yebato iri.

VaGutu vanoti vakadomwa sevanyori vemapazi ndevanoti munyori wezveupfumi-VaWebba Chinyadza, kuchengetedzwa kwenyika-VaGiles Mutsekwa, kutongwa kwematunhu-VaEddie Cross, dzidzo netsika-VaFidelis Mhashu, mabasa nevashandi-VaGideon Shoko, hutano-Doctor Henry Madzorera, kurima-VaValentine Ziswa, kudyidzana nedzimwe nyika-Engineer Elias Mudzuri.

Munyori wezvemutemo nemabasa eparamende-Muzvare Jessie Majome, hunyanzvi nekufambiswa kwemashoko-VaKhaliphani Phugeni, munyori wezvesarudzo-VaMurisi Zwizwai, maindasitiri-VaJameson Timba, kupodzwa kwemaronda-Amai Concilia Chinanzvavana, kutakurwa kwezvinhu-VaBeki Sibanda, mukati menyika-Amai Lillian Acropol.

Munyori anoona nezvebudiriro nemabasa ebato ndaVaBernard Chiondegwa, munyori wezvekushanyirwa kwenyika-Amai Sithembile Mhlotshwa, munyori wezvemigodhi-VaJoel Gabhuza, vanoona nezvevakaremara-VaDennis Mudzingwa, munyori anoona nezvemutungamiri wenyika-VaSesil Zvidzai, kwotiwo munyori wezvegwara remusangano-VaNelson Chamisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu

Zvichakadaro, mutauriri weMDC Renewal Team, VaJacob Mafume, vanoti nhengo dzavo dziri kuoenswa chamutavanhava nevatsigiri vebato reMDC T mumusha weChitungwiza.

VaMafume vanoti imwe nhengo yebato ravo yarohwa zvakaipisa uye iri kuchipatara cheAvenues Clinic kwairi kurapwa.

Vanoti vatsigiri veMDC T vanozivikanwa nenhengo dzavo vari kuti Chitungwiza musha usingafanirwe kugarwa nenhengo dze MDC Renewal Team.

Asi mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti vanga vasati vanzwa nezvekurohwa kunonzi kuri kuitwa nhengo dzeMDC Renewal Team.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Mafume