Bato rinopikisa reMDC-T rinoti riri kunyorera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, tsamba yenyunyuto pamusoro pemashoko anonzi akautaurwa negurukota rinoona nedunhu reManicaland, Muzvare Mandiitawepi Chimene, ekuti vachavharisa mabhizimusi everudzi rwechi India kana vakaramba vasingapinde mumisangano yavari kushevedzera.
Vachitaura pamashoko avo ekutambira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, mudunhu ravo svondo rapera, Muzvare Chimene vakati vemabhizimusi ava vari kuramba kupinda mumisangano yavari kushevedzera, vakati vari kuvapa mazuva mashanu chete ekuti vasangane navo, kutadza kwavo kuita izvi mabhizimusi avo aizovharwa.
Asi mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti mashoko aMuzvare Chimene ane rusarura, uye vanhu ivava ndivo vashoma vevasara vachiri kuwanisa vanhu mabasa munyika zvichitevera kuvharwa kwemakambani akawanda.
Studio7 yaedza kubata Muzvare Chimene asi tanzi tivabate neChipiri sezvo vanzi vanga vari mumusangano.
VaGutu vanoti aka hakasi kekutanga kuti Muzvare Chimene vatyisidzire vanhu.
Vanoti pavakainda muhofisi, Muzvare Chimene vakatyisidzira vemakambani anochera mangoda kwaChiadzwa kuti vasapinze nhengo dzeMDC mabasa, vachinzi vakati vanenge vatsaudzira vaizotorerwa marezinesi avo.
VaGutu vanoti gurukota iri rakatyisidzira zvakare vekanzuru yeMutare nemashoko ekuti rinoda kuumba imwe kanzuru inenge iri pasi paro, isina nhengo dzeMDC.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaObert Gutu