VaMangoma Vanosungwa neMhosva Yavanonzi Vakapara Muna 2012

  • Jonga Kandemiiri

VaElton Mangoma

Vaimbove gurukota rezvemhando dzemoto munguva yehurumende yemubatanidzwa, VaElton Mangoma, vasungwa nemapurisa muHarare vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo wekupihwa kwema tender pakutengwa kwemamita emagetsi ekubhadharira usati waashandisa kana kuti pre-paid electricity meters.

VaMangoma, avo vanova mubati wehomwe muMDC Renewal Team, vanoti vari kupomerwa mhosva yekuudza mumwe mushandi muhofisi yavo zvekuita vasingamunyorere pasi musi wa 17 Gunyana 2012.

Mukupera kwezuva VaMangoma vazoendeswa kudivi reFaud Squad uko vapa divi ravo panyaya iyi, kunyange hazvo vari kuti havana kupirwa zvakakwana mhosva chaiyo yavari kupomerwa.

VaMangoma vanoti vangangoendeswa mudare nemusi weChitatu mushure mekurara muchitokisi usiku humwe chete.

Aka hakasi kekutanga VaMangoma vachisungwa.

Vakambosungwa mugore ra2011 vachipomerwa mhosva yehuwori panyaya yekutengwa kwemafuta edzimotokari.

Muna 2012, VaMangoma, avo vari kumirirwa negweta guru, Amai Beatrice Mtetwa, vakasungwa zvakare vachipomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaElton Mangoma