Vagari vekuMabvuku-Tafara Vochenesa Misha neKutsvaira Marara

  • Jonga Kandemiiri

Kanzuru yeHarare yaremerwa munyaya dzemarara izvo zvoita kuti vagarai vatsvaire voga

Nekuona dambudziko remarara aita makomo nemakomo, kanzuru yeguta reHarare isiri kukwanisa kuatakura, vagari vekuMabvuku neTafara vari kutarisirwa kuchenesa musha wavo neChitatu kuburikidza nekutsvaira pamwe nekuchengetedza marara.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhwu, uye vari kanzura weWard 21, VaBarnabas Ndira, vanoti vachabatana nekambani inogadzira simende yeLafarge Cement Zimbabwe Limited, iyo yaizivakanwa kare seCirlce Cement, pamwe nekanzuru yeguta reHarare.

VaNdira vanoti vagari vachapa simba ravo, kambani yeLafarge Cement Zimbabwe Limited yopawo zvekushandisa zvakaita sembatya dzinodzivirira tsvina pamwe nemabhini ekuisira marara, kanzuru ichizobatsirawo nemotokari dzekutakurisa marara aya.

Kanzuru yeHarare iri kutatarika kuti ikwanise kutakura marara munzvimbo dzakawanda, izvo zvave kupa kuti vagari vaite hurongwa hwekuchenesa nzvimbo dzavo voga.

Studio 7 haina kukwanisa kubata vekambani yeLafarge Cement Zimbabwe Limited kanawo kanzuru kuti tinzwewo kubva kwavari.

Asi Kanzura Ndira vanoti aka hakasi kekutanga kuti vabatane nevamwe mukushambidza musha wavo.

“Mwedzi yapera iyi taibatana nevakaita sevedzichechi pamwe nemasangano evagari anoti reCombined Harare Residents Association neHarare Residents Trust. Mwedzi wapera tabatana neAnglican Church, saka aka hakasi kekutanga uye kupedzisira,” vanodaro VaNdira, vanova munin'ina wamuchakabvu Tonderai Ndira, avo vakapondwa munguva yemhirizhonga yezvematongerwo enyika muna 2008.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naKanzura Barnabas Ndira