Kanzuru yeHarare, iyo iri kukurudzira vose vanotengesera mumigwagwa yemuguta iri kuti vachitanga kuenda kunzvimbo dzakasarudzwa kuti vachitengesera, inoti vamwe vatotanga kutambira nzvimbo itsva idzi.
Mutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme, vanoti nzvimbo dzinosvika gumi neshanu dzave nemvura pamwe nezvimbuzi, izvo zvinoita kuti vane makadhi anovabvumidza kutengesera muguta vachitanga kushandira vari.
VaChideme vanoti nzvimbo dzinosanganisira panokwirirwa mabhazi kuna Fourth Street, Easy Park, Copacabana, pamusika wepaCharge Office, pamwe nepaMarket Square.
VaChideme vanoti kusvika pari zvino, vanhu vanosvika zviuru zvinomwe vakatonyoresa, uye vave nemakadhi.
Vanotiwo kanzuru yavo haisi kuzoshandisa chisimba mukubvisa vanhu vanenge varambira mumigwagwa, asi kuti vachatevera mutemo weguta wezvekutengeswa kwezvinhu, kana kuti ma council by-laws of 2014, ayo anotsanangura zvinodiwa kuti munhu ange achiita kuti atengese zvinhu zvake.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaMichael Chideme
Kanzuru yeguta reHarare inon
Asi vanotengesa ava vanonzi vari kuramba kuenda kune dzimwe nzvimbo vachiti hakusviki vanotenga.
Mukuru werimwe remasangano evanhu vanotengesera mumigwagwa, reNational Vendors Union Zimbabwe, VaSamuel Wadzayi, vanoti nhengo dzavo hadzisi kuwana ruzivo rwakakwana kubva kukanzuru pamusoro pemapirwo ari kuitwa nzvimbo dzekutengesera idzi.
VaWadzayi vanoti kanzuru inofanirwa kupa vanhu kwekutengesera panguva iyo munhu anonyoresa kuitira kuti zvisakanganise vanhu.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaSamuel Wadzayi