Makanzura Akambomiswa Basa naVaChombo muGweru Otaura

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rezvekutongwa kwematunhu VaIgnatius Chombo

Makanzura matatu e MDC T muguta reGweru, ayo akambomiswa basa negurukota rezvekutongwa kwematunhu achipomerwa mhosva dzekutadza basa pamwe nekushandisa midziyo yekanzuru zviri kunze kwemutemo, anoti danho iri rine zvematongerwo enyika mukati.

Kanzura Albert Chirau wekuWard 11, avo vari kupomerwa mhosva yekurendesa imba yekanzuru zviri kunze kwemutemo, vanoti zvinozivikanwa kuti chido cheZanu PF ndechekutora guta reGweru kubva kuMDC T, izvo zvave kuitwa nenzira isina kutsarukana.

Musi wa21 Chivabvu VaChombo vakanyora tsamba makanzura matatu anoti VaChirau, VaMoses Marecha pamwe naVaKenneth Sithole vekuWard 4, vachivazivisa kuti vakanga vambomiswa basa kubva panguva yavakatambidzwa tsamba idzi.

Kanzura Marecha vekuWard 5, avo vari kupomerwa mhosva yekutengesa jecha kumusha weSenga vanoti havana mhosva sezvo kambani yaitora ivhu ichivaka dzimba muSenga makare yaiita basa raizivikanwa nekanzuru yose.

Gweta riri kumirira makanzura aya, VaBrian Dube, vanoti vari kumboongorora nyaya iyi kuti vaone kana mutemo uchipa VaChombo masimba ekutora danho rekumisa makanzura aya basa.

VaChirau naVaMarecha vanoti nyaya iyi yave kubatwawo zvakare nehutungamiri hwebato ravo, uhwo hhuchabuda nechisungo chekutevera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAlbert Chirau

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMoses Marecha

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBrian Dube