ZIMRA Inotadza Kuwana Mari Yayaitarisira

  • Jonga Kandemiiri

Mari inounganidzwa neZIMRA ndiyo inotarisirwa nehurumende zvakanyanya

Bazi rezvemitero reZimbabwe Revenue Authority, Zimra, rinoti rakatadza kuwana mari yaraitarisira pakapera chikamu chetatu chegore muna Gunyana wegore rino.

Mumagwaro ayo, Zimra inoti yakakwanisa kuunganidza mari inoita $884.5 million asi yaraitarisira kuwana $972.3 million pakupera kwaGunyana.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti izvi zvinongotsinhira zvakaburitswa neIMF muongororo yayo yemamiriro enyaya dzehupfumi kuchamhembe kweAfrica.

Vanotiwo yave nguva manje yekuti hurumende idzidze kushandisa mari zvinoenderana nezvairi kuwana sezvo isiri kukwanisa kukwereta kuti ivhare maburi ari kubvinza.

Doctor Kanyenze vanotiwo chimwe chinofanirwa kuitwa nehurumende kumisa nyaya yekuti mapoka akawanda atore mari dzemitero kubva kuvanhu, sezvo mari idzi dzisiri kuzosvika kuhomwe yehurumende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Godfrey Kanyenze