Kwapera makore maviri sarudzo dza2013 dzaitwa, idzo dzinonzi nevamwe dzakatsvairwa nebato reZanu PF, vamwe vachiti aive mahumbwe, mamiriro ezvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nezveupfumi anonzi ari kuramba achienda kumawere.
Ruzhinji rwevanhu ndirwo rwunonzi rwuri kuramba rwuchitsikirirwa nekurwisana kuri kuita nzou, dzinove vemapato ezvematongerwo enyika.
Mapato ose ezvematongerwo enyika anonzi ari kupedza nguva achitevera zvinhu zvisina maturo pamwe nekunakurirana nyoka mhenyu.
Izvi zvinonzi nevamwe zvinoramba zvakaisa nyika parumananzombe, paine kutyirwa kunzi matambudziko ari muZimbabwe anogonawo kukanganisa dunhu rose rekuchamhembe kweAfrica.
Vamwewo ndivo vanoti vezvematongerwo enyika vari kungotsvaga kuzvisimudzira vachishandisa varombo, sezvo vasina zvavari kuita zvinoonekwa kunyange vari muhurumende kana kuti kwete.
Mutauriri webato reMDC T, VaObert Gutu, vanoti hurumende yeZanu PF ndiyo yawondonga nyika nekuda kwehutongo hwayo hwehumbimbindonga, pamwe nekutadza kuwanisa vanhu mamiriyoni maviri mabasa akavimbiswa neZanu PF pasarudzo dzemuna 2013.
VaGutu, avo vaive muhurumende yemubatanidzwa apo bato ravo rakabatana neZanu PF kuumba hurumende yemubatanidzwa, varambawo kuti bato ravo rakakundikana kuvandudza zvinhu parakapinda muhurumende, asi kutoti rakafumura huwori hwarinoti hwaiitwa neZanu PF.
Ukuwo, Zanu PF iri kungoramba yakabatira panyaya yezvirango zvainoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumawirira, izvo inoti ndizvo zvagwadamisa nyika nemabvi.
Vanoongorora zvematongerwo uye vari nhengo yeZanu PF, VaMorris Ngwenya, vanoti hapana asingazivi kuti zvirango zvakakumbirwa nebato reMDC ndizvo zvatadzisa nyika kuti isimuke.
VaNgwenya vanoti MDC T yakatadza kugadzirisa zvinhu munguva yehurumende yemubatanidzwa sezvo nhengo dzayo dzakafarira kuwana zvigaro, dzikakanganwa kumirira vanhu.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaObert Gutu Pamwe naVaMorris Ngwenya