Komiti iri kutungamira hurongwa hwekutsigira mhuri yemurwiri wekodzero akatsakatika, VaItai Dzamara, inoti neChipiri muHarare iri kuparura homwe yeItai Dzamara Trust, iyo inonzi ichange ichi batsira mhuri dzose dzinosangana nematambudziko akafanana neakawira VaDzamara.
Sachigaro wekomiti iyi, Bishop Ancelimo Magaya vanoti vachashandisawo mukana uyu kutsvagirawo mhuri yaVaDzamara rubatsiro rwekuti mudzimai pamwe nevana vaVaDzamara vakwanise kurarama.
VaDzamara vave nemwedzi mitanhatu vapambwa kubva mumusha weGlen View muHarare nevarume vasingazivikanwi, uye kusvika pari nhasi hapana anoziva kwavari.
Bishop Magaya kunyange hazvo pave nemwedzi mitanhatu VaDzamara vapambwa, denga nenyika hazvisi kuzonyarara kuti vakazviita izvi vafunge kuti zvichangotsakatika.
“Iko zvino izvi takazvipira chaizvo chaizvo kuti eeh, munhu weZimbabwe akasikwa nemufananidzo waMwari ane kodzero yehupenyu,” vanodaro Bishop Magaya.
Zvichakadaro, vaimbova nhengo yeZanu PF vachimirira Hurungwe West mudare reparamende, VaTemba Mliswa vanonzi vapa mhuri yekwaDzamara tani rimwe chete rechibage kuti ibatsirikane.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naBishop Ancelimo Magaya