Vakwikwidzi kuMt. Darwin West Vonyunyuta neGwaro reVavhoti

  • Jonga Kandemiiri

Matunhu eMt. Darwin neChirumhanzu-Zibagwe ari kutarisirwa kuita sarudzo neChishanu dze by-election

Vari kukwikwidza musarudzo ye by-election iri kuitwa nemusi weChishanu 27 Kurume kuMt. Darwin West vakamirira mapato matsva anoti Transform Zimbabwe neNational Constitutional Assembly, NCA, vanoti gwaro revavhoti harina kumira zvakanaka.

Vari kubatsira kutsvagira rutsigiro VaKenard Fungayi vachamirira bato reTransform Zimbabwe kuMt. Darwin West musarudzo iyi, VaDavid Rhodi, vanoti gwaro revavhoti richine mazita evamwe vanhu vakafa kare, vamwe vanhu vane makore anodarika zana vasingawanikwe pakero dzakanyorwa, uye vamwe vanhu vakanyorwa kaviri vachizongosiyaniswa zvishoma kunhamba dzezvitupa.

Transform Zimbabwe inotiwo nhengo yayo VaFungayi vari kutyisidzirwa nevatsigiri veZanu PF.

Sarudzo yekuMt. Darwin West ndeyekutsvaga vachatsiva chigaro chakasiiwa nevaive mutevedzeri vemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, kuchitiwo dzekuChirumanzu-Zibagwe kune chigaro chakasiiwa nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Zimbabwe Electoral Commission yakazivisa kuti vanhu vanodarika zviuru zvinomwe nezviviri vakanyoresa kuvhota mumatunhu maviri aya.

Vari kumirira bato reNational Constitutional Assembly, NCA, VaReuben Mafigo, vanotiwo kune kutyisidzirwa kwenhengo dzavo pano nepapo nenhengo dzeZanu PF, asi vari kukwanisa zvavo kutsvaga rutsigiro.

VaMafigo vanoti kunyange hazvo vari kusangana nezvimhingamipinyi izvi, vari kutarisira kukunda musarudzo idzi kuitira kuti vakwanise kusimudzira dunhu ravo, izvo zvatadzwa neZanu PF kwemakore akawanda.

Vamwe vari kukwikwidza ndaVaBarnwell Seremwe veZanu PF, naVaCyril Muradzi veFreedom Front of Zimbabwe, avo takataura navo kare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDavid Rhodi

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaReuben Mafigu