Vanoshandira Mabhanga Votsvaga Rutsigiro rweParamende

  • Jonga Kandemiiri

Paramende yeZimbabwe

Sangano rinomirira vashandi vemumabhanga reZimbabwe Bank and Allied Workers Union, ZIBAWU, rasvitsa kudare reparamende gwaro rekutsvaga rutsigiro kubva kudare iri pamusoro pekurasikirwa kwevashandi nemabasa kuburikidza nekuvharwa kuri kuita mabhanga munyika.

Munyori mukuru wesangano iri, VaPeter Mutasa, vanoti sangano ravo raitawo musangano nevatori venhau richivazivisawo nekwavanoti kukundikana kwebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kuona kuti mabhanga ari kutevera mitemo here, izvo zviri kuzoita kuti ritore matanho nguva yapera.

VaMutasa vanofunga kutiwo iro bhanga guru reRBZ rakawedzerawo matambudziko emabhanga aya kuburikidza nekukwereta kwaro mari kumabhanga aya richizotadza kuidzosera.

VaMutasa vanoti kusvika pari zvino vashandi vanodarika chiuru nemazana maviri varasikirwa nemabasa, uye mabhanga akawanda avharwa, matatu acho gore rino chete.

Vanoti vashandi ava vane mari dzinodarika mamiriyoni matatu emadhora dzemihoro pamwe nedzavaichengetera kumabhanga aya dzakavharirwa dzavave kutadza kutora.

Vanoti sangano ravo rinoshushikana nemashoko akataurwa mazuva apera nagavhuna weRBZ, VaJohn Mangudya, ekuti kuvharwa kwemabhanga chinhu chinoitika, vachiti izvi zvinoratidza kuti bhanga guru renyika harisati ragadzirira kugadzirisa matambudziko ari mumabhanga aya.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naVaMangudya kuti tinzwe divi ravo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPeter Mutasa