Apex Council Yozeya neChitatu Matambudziko eVashandi veHurumende

  • Jonga Kandemiiri

Vashandi vehurumende vanoti vakanga vakamirira kunzwa kubva kugurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, kana vaine chavari kuwana kubva muhurongwa hwavo hwepakati pegore

Sangano rinomirira masangano ose evashandi vehurumende, reApex Council, riri kutarisirwa kusangana muHarare nemusi weChitatu kuti rizeye zvinyunyuto nezvishuviro zviri kubata vashandi vehurumende mukushanda kwavo.

Sachigaro weApex Council, VaRichard Gundani, vanoti nyaya huru yavachakurukura ndeye bhajeti repakati pegore rakaturwa svondo rapera negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, iro vanoti ndiro rakanonotsa kuti vaite musangano wavo weApex Council, sezvo vaimirira kutanga vanzwa zvaizoturwa naVaChinamasa.

VaGundani vanoti dzimwe nyaya dzichakurukurwa dzinosanganisira bhajeti ra2015, nzvimbo dzekuti vashandi vehurumende vavakire dzimba dzavakavimbiswa nehurumende, nezvimwe zvakadaro.

Vanoti vachakumbira kuhurumende kuti vasangane nayo nekukasika kuitira kuti vaisume nekuzeya nayo zvinenge zvasungwa mumusangano uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRichard Gundani

Asi munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi uye riri nhengo yeAppex Council, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti sangano reApex Council harisi kuita zvikuru zvinobatsira vashandi vehurumende.

VaMajongwe vanoti sangano ravo ndiro rakatomanikidza kuti Apex Council iite musangano iwoyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRaymond Majongwe