Kubatana kweMapato Anopikisa Kwoonekwa neNzira Dzakasiyanasiyana

  • Jonga Kandemiiri

VaTendai Biti vePDP nemutungamiri weMDC T VaMorgan Tsvangirai.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe nevamwe vana veZimbabwe vanoti vanotambira nemufaro danho rakatorwa neChitatu nemapato ezvematongerwo anopikisa rekubuda nechisungo chekusapinda musarudzo kana mitemo ine chekuita nesarudzo isati yavandudzwa.

Asi vamwewo ndivo vane maonero ekuti danho iri harina zvikuru zvarinoshandura sezvo kunonoka kuvandudzwa kwemitemo uku kuchishanda kudivi reZanu PF.

Mapato anopikisa gumi nerimwe kusanganisira MDC T, akabatana akasaina gwaro rekuti vabatane mukurwisa kuti pave nekuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo, sarudzo dzemuna 2018 dzisati dzaitwa.

Mamwewo mapato anopikisa anosanganisira rePeople’s Democratic Party, PDP, rinotungamirirwa naVaTendai Biti, neZapu inotungamirirwa naVaDumiso Dabengwa, haana kupindawo muhurongwa uhwu.

Bato rePDP rinoti kudzikwa kwezvisungo pamwe nekuona sekunge ndivo vakuru kunoitwa nemamwe mapato ndizvo zvakaita kuti risapinda muhurongwa uhwu.

Vasingadi kudoma zvavo nezita bato iri, mutewedzeri wemutauriri wePDP, VaGeorge Mkwananzi, vaudza Studio 7 kuti kuvepo kwegwaro reNational Electoral Reform Agenda kana kuti NERA ipfungwa yakanaka chose, asi mapato akawanda akaona sekunge aimanikidzirwa pfungwa iyi nerimwe bato.

Mapato anopikisa munyika agara achikurudzira kuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo, iyo anoti yakarerekera kubato riri kutonga reZanu PF.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti kusainwa kwegwaro iri nemamwe mapato anopikisa chinhu chihombe kwazvo munhoroondo yenyika, sezvo chiri chinhu chisati chamboitika.

Vanoti izvi zvichamanikidza shanduko dzakawanda zvekuti zvinogona kuita kuti sarudzo dziitwe gore ra2018 risati rasvika.

“Nekuondomoka kuri kuita Zanu PF, ma election aya angatokurumidza kuitwa 2018 isati yasvika,” VaGutu vanodaro.

VaGutu vanoti kuratidza kuti hurongwa hwavo huri kushanda, Zimbabwe Electoral Commission yakabva yashevedzera musangano wemapato ezvematongerwo enyika uchaitwa muHarare neChishanu chino.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vakarerekera kubato reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti gungano iri harina zvikuru zvarinoreva sezvo mamwe mapato ezvematongerwo enyika anonzi akasaina gwaro iri angori epabepa chete.

Vanoti kuramba kusainwa kwakaitwa nemapato mucherechedzo wekuti MDC T iri kumanikidzira chinhu chisina kwachinoenda.

Vanoti hurumende haina kusundwa kwainogona kuitwa sezvo iri kushanda nenguva yayo.

“Mitemo inoda kuchinjwa yakawanda, yatingati pachirungu alignment, handiti mazviona,” VaChirumhanzu vanodaro.

“Saka tinotanga nemitemo yakakoshesesa, kwete izvi zvekutungana kwembudzi zvekuti eeh, toda kuita kakazodai, apa pazodai. Veduwe politics hadzimiri dzakadaro, kana une vanhu haudi kukoka machechi, kukoka ani nani. Unongoti saa. Izvi zvekungotsvagurudza chino nechocho nezviri pasi peguyo, haa!”

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu pamwe naVaGadzira Chirumhanzu