Dambudziko rechirwere chepfungwa rinonzi riri kuramba chichiwanda munyika.
Dr Sekai Nhiwatiwa, avo vanoshanda senyanzvi yezvirwere zvepfungwa kuchipatara che Parirenyatwa, vanoti kuondomoka kwehupfumi hwenyika kuri kukonzera huwandu hweavo vari kubatwa nezvirwere zvepfungwa.
Dr Nhiwatiwa, avo vanova mudzidzisi ku University of Zimbabwe, vanoti pane mishonga inogona kubatsira vari kubatwa nechirwere ichi asi vamwe havasi kukwanisa kuutenga sezvo uchidura.
Mhuri zvinji dzinonzi mune dzimwe nguva dziri kuendesa hama dzavo kumachechi emweya nekun'anga apo vanowona hama yavo seyabatwa nechirwere chepfungwa.
Asi Dr Nhiwatiwa vanokurudzira kuti varwere vaendeswe kuchipatara kuitira kuti vawane rubatsiro nguva ichiripo chirwere chisati chakomba.
Dr Nhiwatiwa vanoti zvakakosha kuti vanenge vabatwa nezvirwere izvi vasasarudzwe asi kuti vapihwe rubatsiro rwunokodzera.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naDr Sekai Nhiwatiwa