Vashandi vekambani inogaya upfu ye Blue Ribbon Industries vapindawo muhondo yekuda kutengeswa kwekambani iyi kukambani yekuTanzania ye Bakhresa, iyo yakaratidza chido chekumitsiridza Blue Ribbon.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaAdoniah Mutero
Vashandi vekambani iyi vanga vachida kuratidzira nhasi pamahofisi esangano reGrain Millers Association muHarare, iro riri kukurudzira hurumende kuti isabvumidze kutengeswa kwekambani iyi richiti iri mumaoko evatema nechekare.
Asi vashandi, avo vanoti vave nemwedzi yakawanda vasina kutambira uye vazhinji vavo vakamiswa mabasa, vari kukurudzira hurumende kuti ibvumidze kutengeswa kwekambani yavo senzira yekumutsiridza kambani iyi.
Asi mapurisaakanyima neChina vashandi ava mvumo yekuti varatidzire achipa zvikonzero zvekuti havana kuzadzisa zvose zvinodiwa kuti vapiwe mvumo yekuratidzira.
Svondo rapera sangano reGrain Millers Association rakanyorera kugurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha, richida kuti vamise hurongwa hwekutengeswa kwekambani iyi richiti makambani anogadzira zvekudya haafanirwe kuenda mumaoko evekunze, uye kambani iyi iri kufambiswa nevatema vakaitengeserwa ne T.A Holdings.
Nyaya yekutengeswa kweBlue Ribbon Industries inonzi pari zvino iri mudare remakurukota, iro rinotarisirwa kubuda nechisungo chero nguva.
Bakhresa inonzi iri kuda kubhadhara mari inoita $19 million mukutenga kambani iyi, iyo inonzi ine zvekwereti zvinoda kusvika $30 billion.
Munyori mukuru wesangano rinomirira vashandi veBlue Ribbon, re United Food and Allied Workers Union of Zimbabwe, Va Adoniah Mutero, vanoti havasi kuzosiya vanhu vanoda kuita zvehudjire sezvo kutengwa kwekambani iyi nevekunze kuchizobatsira vashandi vakawanda.