Vashandi veHurumende Votarisira Bhonasi Ravo

  • Jonga Kandemiiri

Zimbabwe Governing Parties Lock Horns Over Public Pay and 'Ghost Workers'

Sachigaro wesangano rinomirira vashandi vehurumende, re Apex Council, VaRichard Gundani, vanoti tarisiro yavo sevashandi vehurumende yakakura kwazvo kuti vange vachibhadharwa mari dzekutendwa dzemabhonasi mwedzi uno, kunyange hazvo hurumende isati yavazivisa kuti vachaiwana here semamwe makore apfuura.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRichard Gundani

VaGundani vanoti kunyange hurumende isati yavazivisa kuti yakamira papi munyaya dzebhonasi, vari kupiwa chivimbiso nemashoko emutungamiri wenyika avakataura kutanga kwegore rino ekuti mutemo unoti vashandi vanofanirwa kupiwa mari dzebhonasi.

Kupera kwemwedzi waGumiguru gurukota rezvevashandi, Amai Prisca Mupfumira, vakaudza bepanhau reHerald kuti hurumende ichapa vashandi vayo bhonasi asi havana kuda kutaura kuti ichaita izvi kutanga mwedzi uno here, uye kuti vose vachapiwa nguva imwechete here kana kuti kwete.

Makore apfuura zvichitevera kuoma kwezvinhu munyika hurumende yaiparadzira mwedzi yekupa vashandi vayo bhonasi kubva muna Mbudzi kusvika muna Zvita, asi mamwe makore yaiomerwa zvekuti yaizopa vamwe muna Ndira wegore raitevera.

Hatina kukwanisa kubata Amai Mupfumira kuti tinzwe kana vave nezuva richatanga kupiwa mari idzi