Vakafanobata chigaro chemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hapana chekunyara nemabvutirwo akaitwa mapurazi evachena achigoverwa kuvanhu vatema.
VaMnangagwa vataura mashoko aya nhasi kwaMutare apo vange vari pamusangano wekudzidzisa vagari zvinoreva bumbiro remitemo yenyika.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Loirdham Moyo
VaMnangagwa, avo vanove zvakare gurukota rezvemitemo, vataura mashoko aya paMutare Teachers’ College pasi pehurongwa hwebazi ravo hwekudzidzisa vanhu munyika nezvebumbiro remitemo.
VaMnangagwa vati hapana chakaipa chakaitwa nehurumende mukubvuta minda yaiva yevachena.
VaMnangagwa vati sezvo vatema vave neminda,yave nguva yekuti kugoverana kweminda kuchiitwa nemazvo.
VaMnangagwa vati pasi pebumbiro remitemo yenyika, matunhu ose emunyika anofanirwa kysimudzirwa zvakaenderana.
Vachitaurarwo pachiitiko ichi munyori mubazi rezvemitemo, Amai Virginia Mabiza, vati hurongwa hwekuti mitemo ienderane nebumbiro remitemo huri kufambira mberi.
Vatiwo bumbiro remitemo wenyika zvekare rave kuwanikwa mumhando yeBraille kuitira vaya vasingaoni vazive nezvaro.
Vamwe vange vari pamusangano wanhasi vaisa chikumbiro chekuti nyaya yevakuru vemuhurumende vane minda inopfuura mumwe chete iongororwe nekuchimbidza kuitira kuti vasina kuwana minda vapihwewo, uye kumisa nyaya yehuwori yatekeshera.
Paiswa chikumbiro zvakare chekuti pange paine homwe yemari yechirwere cherurindi sekuvapo kwehomwe yeHIV/AIDS.
Musangano uyu wapindwa nevemasangano akazvimirira oga, vemabhizinesi vakuru vemuhurumende, vadzidzi, vechidiki pamwe nevemachechi.