VaMliswa Voona Vachidzoka muZanu PF Rimwe Zuva?

  • Blessing Zulu

VaTemba Mliswa

Vaimbova sachigaro weZanu PF kuMashonaland West, VaTemba Mliswa, vanoti vanovimba kuti nerimwe zuva vachadzoka zvakare muZanu PF.

VaMliswa, avo vanomirira Hurungwe West muparamende, vanoti vanogona kuita sezvakamboitwawo negurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, avo vakambodzingwa mubato vakazodzoka.

VaMliswa nevaimbove munyori wemabasa muZanu PF, VaDidymus Mutasa, vakadzingwa mubato neChitatu vachipomerwa mhosva yekuzvidza dare nekushora hutungamiri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTemba Mliswa

Kunetsana muZanu PF kwakatanga gore rapera apo bato rainge rogadzirira sarudzo dzekongiresi.

Izvi zvakapa kuti vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vadzingwe basa muhurumende pamwe nemamwe makurukota nemasachigaro ematunhu.

Nhengo yeZanu-PF iri mudare repamusoro soro rebato, uye vari gweta, VaPaul Munyaradzi Mangwana, vanoti nhengo inotuka mutungamiri webato inodzingwa isina kumiswa pamberi pedare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPaul Munyaradzi Mangwana