Sangano re Zimbabwe Olympic Committee rinoti riri kufara nekubudirira kwakaita chikwata chenhabvu chema Mighty Warriors icho chichange chave kuenda kuma Olympic Games ku Rio de Janeiro kuBrazil gore rinouya.
Munyori mukuru wesangano iri, Muzvare Anna Mguni, vanoti vachange vachibatanidza mari vachibatsirwa nesangano repasi rose rinoona nezvemakwikwi aya kuti chikwata cheZimbabwe chinosanganisira ma Mighty Warriors nevamwe vanoita mimwe mitambo, vakwanise kuenda kumakwikwi aya.
"Isu sesangano re Zimbabwe Olympic Committee tiri kufara nekubudirira kwakaita chikwata chemadzimai chema Mighty Warriors uye tichaita zvese zvatinokwanisa kuwona kuti zvikwata zvichaenda kumakwikwi zvinosanganisira madzimai zvikwanise kubudirira kuenda," Muzvare Mguni vaudza Studio7.
Muzvare Mguni vanoti chikamu chikuru cherutsigirwo chichabva kusangano re International Olympic Committee rwekuti chikwata chemaMighty Warriors nezvimwewo zvikwanise kuenda kumakwikwi aya.
Asi ivo vachaitawo zvirongwa zvekutsvaga mari munyika munguva inotevera.
Mimwe mitambo ichange ichiitwa kuBrazil inosanganisira kumhanya, kutuhwina, nhabvu nemimwewo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naMuzvare Anna Mguni