Nyanzvi dzinoshanda neUniversity of Zimbabwe pamwe neUniversity of California - San Francisco kuAmerica, dzinoti vanhukadzi vakawanda vaifanirwa kunge vachishandisa mishonga yekunwa kana kuzora nhengo dzavo dzakavandika senzira yekudzivirira HIV, havana kutevedza zvaidiwa neongororo iyi, izvo zvakapa kuti ongororo iyi isabudirire.
Ongororo iyi inonzi Vaginal and Organ Interventions to Control the Epidemic kana kuti Voice yakatanga muna 2009 ikapera muna 2012 uye yakaongorora madzimai zviuru zvishanu nemakumi maviri nevapfumbamwe muZimbabwe, South Africa nemuUganda.
Vachibudisa zvakabuda muongororo iyi, chipangamazano munyaya dzehutano, uye vari mukuru weVoice, Doctor Nyaradzo Mgodi, vanoti madzimai mazana matatu ane gumi nevanomwe, vakabatwa neHIV paiitwa ongororo yekudzivirira madzimai kuti asabtwe nehutachiona. Asi Doctor Mgodi vanoti zviri kuratidza kuti mishonga iyi haina kushanda nekuti madzimai anga ari pachirongwa iyi, anga asingamwe mishona iyi sezvinodiwa.
Doctor Mgodi vanoti vanofunga kudaro nokuti dzimwe ongororo dzakaitwa nemishonga iyi dzakashanda nekuti vanga vari pachirongwa ichi vaimwa mishonga iyi vachitevedza zvakatarwa.
Doctor Mgodi vanoti pamadzimai anga ari pachirongwa ichi, vazhinji vavo vanodarika zvikamu makumi manomwe kubva muzana, vainge vasingamwe kana kuzora mishonga iyi panhengo dzavo dzakahwandika dzemuviri sezvaidiwa nechirongwa ichi.
Ongororo iyi inoratidzawo kuti kana munhu asingarware, hazvisi nyore kuti anwe mapiritsi senzira yekudzivirira HIV. Kunyange hazvo chirongwa ichi chakatadza kubudirira, vana chipangamazano vanoti havasi kuneta.
Pari zvino Universiy of Zimbabwe neUniversity of California - San Francisco dzave nechimwe chirongwa chekushandisa rhingi rine mishonga rinopfekwa mukati menhengo dzemadzimai, veginal ring, apo vanenge vachiita zvepabonde.