Mhirizhonga Yosimudza Musoro kuMaruwa?

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

VaJoram Gumbo

Mhirizhonga yezvematongerwo enyika inonzi iri kuitika muChegutu East umo nhengo yeMDC-T iri kuda kumirira dunhu iri, Va Tawanda Bvumo, vari kuti dzimwe nhengo dzavo dzakatotiza kumaruva dzichienda kuChegutu sezvo dziri kurohwa pamwe nekutyisidzirwa.

Studio7 yayedza kubata nhengo ye Zanu PF iri kukwikwidza musarudzo iyi, Va Webster Shamu, kuti tinzwe divi ravo asi nhare dzavo dzange dzisingadavirwe.

Mashoko ari kubva kuMberengwa West anoti pamboitika kakukakavadzana pakati pehama mbiri pamberi paIshe Mafebadza apo nhengo dziri kuda kumirira nzvimbo iyi dzatadza kuita mushandira pamwe.

Zvinonzi vari kuda kumirira Zanu PF munzvimbo iyi, Va Joram Gumbo, pamwe nevari kuda kumirira MDC-T, Va Tinashe Gumbo, vanetsana pamberi paIshe Mafebadza, avo vanga vachikurudzira runyararo munzvimbo iyi.

VaTinashe Gumbo vanoti vashamiswa zvikuru kuona mukoma wavo, Va Joram Gumbo, vachivarambidza kutaura pamusangano uyu.

VaTinashe Gumbo vanoti VaJoram Gumbo vasvika pakuvasunda vachivaudza kuti vabve pamusangano uyu.

Asi VaJoram Gumbo varamba kuti vanga vachida kukonzera mhirizhonga vachiti zvanga zvisingaiti kuti VaTinashe Gumbo vaende kana kutaura pamusangano usiri webato ravo. Vanotiwo vanhu ndivo vaita kuti VaTinashe vabve pamusangano uyu.

Asi VaTinashe vanoti ichokwadi kuti VaJoram Gumbo vavasunda zvechisimba

VaTinashe Gumbo vanoti vazobva pamusangano uyu vaona kuti pava kuda kuita mhirizhonga. Vanotiwo chiitiko ichi vachimhang’ara kumapurisa.


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Tawanda Bvumo