WASHINGTON —
Mhirizhonga yezvematongerwo enyika inonzi iri kuitika muChegutu East umo nhengo yeMDC-T iri kuda kumirira dunhu iri, Va Tawanda Bvumo, vari kuti dzimwe nhengo dzavo dzakatotiza kumaruva dzichienda kuChegutu sezvo dziri kurohwa pamwe nekutyisidzirwa.
Studio7 yayedza kubata nhengo ye Zanu PF iri kukwikwidza musarudzo iyi, Va Webster Shamu, kuti tinzwe divi ravo asi nhare dzavo dzange dzisingadavirwe.
Mashoko ari kubva kuMberengwa West anoti pamboitika kakukakavadzana pakati pehama mbiri pamberi paIshe Mafebadza apo nhengo dziri kuda kumirira nzvimbo iyi dzatadza kuita mushandira pamwe.
Zvinonzi vari kuda kumirira Zanu PF munzvimbo iyi, Va Joram Gumbo, pamwe nevari kuda kumirira MDC-T, Va Tinashe Gumbo, vanetsana pamberi paIshe Mafebadza, avo vanga vachikurudzira runyararo munzvimbo iyi.