MDC-T Inoti Haichaendereri Mberi neNyaya Yekupikisa Zvakabuda Musarudzo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye
MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti yaona zvakakodzera kuti isaenderere mberi nenyaya yayakakwidza mudare repamusoro soro yekuramba kutambira zvakabuda musarudzo.

Bato iri rinoti raodzwa moyo nekomisheni yeZimbabwe Election Commission, ZEC, iyo isina kuripa magwaro akashandiswa pakuvhota. MDC-T inoti yanga ichida kushandisa magwaro aya sehumbowo mudare neMugovera richiti ZEC haina kuita basa rayo nemazvo.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti zvimwe zvaita kuti vasiyane nenyaya iyi, idanho rakatorwa nemukuru wevatongi vematare, VaGodfrey Chidyausiku, rekuti vanoda kunzwa humbowo hwemashoko chete pachazeyiwa nyaya iyi kwete kuti vanhu vape humbowo mudare iri.

MDC-T inoti yanga ichida kuti mabharani wenyika, VaTobaiwa Mudede, vamiswe pamberi pedare vachipindura mibvunzo yemagweta eMDC-T, pamwe nekuti zvapupu zvipinde mudare iri zvichitaura zvazvakaona.

Asi VaMwonzora vanoti mukana wekuita zvose izvi wakavharwa naVaChidyausiku.

VaMwonzora vanoti zvinhu zvinorwadza kuti vana veZimbabwe vanorambidzwa kupa humbowo mudare.

Danho ratorwa neMDC-T iri rava kureva kuti dare repamusoro soro richangogara zviri pamutemo neMugovera rotorawo matanhao anokodzera.

Izvi zvava kurevawo kuti hurongwa hwekugadza mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, semutingamiri wenyika, hunenge hoenderera mberi zvichtevera kugeza maoko kwaita MDC-T panyaya yekupikisa kukunda kwaVaMugabe nebato ravo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Douglas Mwonzora