VaBhunu vati Va Tichaona Mutedza, avo vanove nhengo yeMDC, vanoshandisa magweta mamwe chete nevasungwa vakati mufakazi uyu anogona kunge akawudzwa zvekutaura nemagweta aya. Vatiwo havakwanise kupa vasungwa ava mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvo vachiti vakasungwa mbiradzakondo nekukwidzwa kwakaitwa nyaya yekumbonyimwa kwakaitwa vasungwa ava mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare ravo kudare repamusoro-soro reSupreme Court.
Mushure mekuturwa kwemutongo uyu naVa Bhunu, nyaya iri kupomerwa vasungwa ava yaenderera mberi nekutongwa hurumende ichishevedza mumwe mufakazi, Va Victor Matuvhuke.
Mune imwewo nyaya yaitika muHarare neChitatu, vanorarama neHIV/AIDS varatidzira pamahofisi e National AIDS Council vachiti havasi kufara nemashandisirwo ari kuitwa mari dzinobatirwa vanhu dzeAIDS levy.
Mumwe wevaratidziri ava, Va Zhuwawo Sangaroti, vati havasi kufara nemashandisirwo ari kuitwa mari dzeAIDS levy uku vanorarama nehutachiwana vachishaya ma Anti Reviral Drugs, ARVs pamwe nemamwe mapiritsi akaita sema Cotrimoxazole ne Neverapine.
Asi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa mu National AIDS Council, Va Raymond Yekeye, vati mari iyi iri kubatwa zvakanaka asi chiri kunetsa ndechekuti mari iyi vanoipihwa zvishoma nezvishoma zvinopedzisira zvaita kuti vasatenge mapiritsi nemishonga inokwanira vanhu vese vanoita.
Vanga vachiratidzira ava vati vari kudzoswa kuzvipatara zvizhinji munyika nepamusana pekushayikwa kwemapiritsi aya zvavati vava kutyira kuti zvinogona kukanganisa zvirongwa zvavo zvekunwa mapiritsi aya.
Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvehutano, VaHenry Madzoerera, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.