Mushakabvu Reverend Martin Luther King Vorangarirwa muWashington
Marvellous Mhlanga-Nyahuye
WASHINGTON —
Mutungamiri we America, VaBarack Obama, vactaura neChitatu paLincoln Memorial pamusangano wekurangarira makore makumi mashanu apfuura kubva pakafora zviuru nezviuru zvezvizvarwa zvemu America muguta guru re Washington muna 1963.
Vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi mashanu ezviuru vakaratidzira mu Washington vachida kuti vanhu vose vave nekodzero dzakafanana.
Kufora kwakaitika mu Washington muna 1963, kwaive nechinangwa chekuti vanhu vemarudzi ose vabatwe zvakafanana nemitemo yenyika, uye kodzero dzavo dziremekedzwe.
Reverend King vakaberekwa muna Ndira mugore ra 1929 mu Atlanta, Georgia. Va King vakaurayiwa muna 1968 mu Mephis, Tennesse, zvichitevera mabasa avo ekurwira kodzero dzevanhu vose muAmerica kunyanya dzevanhu vatema vakange vakadzvanyirirwa.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mu America, Doctor Moses Rumano, avo vanodzidzisa pa Malone University ku Kenton, Ohio, vanoti Zimbabwe inogona kudzidza zvizhinji panyaya yekuremekedza kodzero dzevanhu sezvaikurudzirwa naVa King.